VaThesaronika2

1Hama dzangu tiri kukukumbiritsai, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu nokuungana kwedu kuti tisangane naye,2kuti mureke kukurumidza kugwetedzeka mupfungwa kana kushamisika, pangave pamusaka pomweya kana poshoko, kana potsamba ringanzi rinobva kwatiri, richiti zuva raIshe rauya.3Mbakureke kuva noanokufurirai nonzira dzomabhwodo, ndava zuva rakarero rinouyaba, kusvikira kupandukira kwathanga kuitika, nomunhu anochora mutemo waonesewa pachenu, iye adotemehwa kuparadziwa,4anoshora nokuzvitutumadza pamusoro pozvese zvinoitiwa mwari kana zvinonamatiwa, zvokuti anotoisa mupando wache muimba yaMwari, achizviti ndiye Mwari.
5Hamuchayeuka chere kuti pandanga ndichinaimimi imimi ndidokunyepai zvakarezvi?6Futi munoziva chiri kumutadzisa ipopa kuti areke kuoneka pachenu panguwa yache.7Nokuti chidohwanda chokuramba kuchengeta mutemo chatova pabasa, kundoti anorambidza achambondorambidza basi kusvikira wadzobiritsiwa panzira.8Futi ipopo munhu asinai mutemo achabiritsiwa pachenu, iye achabaiwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wache nokumuparadza nokuoneka kwache uye nokuuya kwache.9Kuuya kwoasinai mutemo zvichiitiwa naSathani kuchava nosimba rese rino zviratidzo nozvishamiso zvomabwodo,10nokufurira kwese kudonyangara kunovese vokuparadziwa, ndava vadoramba kuda chokwadi kuti vaponesewe.11Nondava yakareyo Mwari anovatumira kufuririka kudokungudza, kunovaita kuti vetende mabhwodo.12Kuti vese vasinai kutenda chokwadi asi vadofarira zvisinai kururama vapasiwe mhosva.
13Manje hama dzinodiwa muna Ishe tinosukumidziwa kumbondotenda Mwari nopamusaka penyu, ndava Mwari adokusarudzai kubva pakuthanga kuti muponesewe, kuburikidza nokunatsiwa noMweya nokutenda chokwadi.14Adokudaidzai kuno zvakarezvi kuburikidza novhangeri redu, kuti muve nokubhwinya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu.15Saka manje, hama mirai mudosimba, muchengetedze tsika dzatidokufundisai, kungave kufundisiwa noshoko, kana notsamba redu.
16Kuburikidza nomutsa Ishe wedu Jesu Khirisitu pachake, naMwari Baba wedu, adotida ndokutipasa kunyaradziwa kusingapere notariro idonaka,17mbaakurudzire mwoyo yenyu nokuimisikidza muzviito zvese zvidonaka nomushoko.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014