VaThesaronika1
1Phauro, Sirivhanasi naTimoti,
kuKherekhe yokuThesaronika iri muna Mwari Baba wedu naIshe Jesu Khirisitu:2Mutsa norunyararo zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.3Hama, tinofanira kutenda Mwari nguwa dzese nokuda kwenyu, sezvazvidokodzera, ndava kutenda kwenyu kuri kunyanya kukura, norudo pakati penyu ruri kuingidzika.4Ndosaka isisu pachedu tichizvirumbidza pamusaka penyu kukherekhe dzaMwari nokuda kwokutsungirira futi nokutenda kwenyu pakutambudziwa kwese nokuedzewa kwamuri kuchiirira makuri.5Ihwohwu ndihwo upfakazi hwokutonga kwaMwari kudorurama, kuti muitiwe vadokodzera kuva voumambo hwaMwari, hwamuri kutamburira.6Mwari adorurama, achatsiva avo vanokutambudzai,7nokupasa rugare kwamuri vari kutambudziwa pabodzi naisisu, izvi zvichaitika panodzoonesewa Ishe Jesu pachena achibva kudenga pabodzi nongirozi dzache dzinomasimba yadonyanya,8achatsiidza achiranga zvinodzimba vaye vasinai kuziva Mwari novaye vasinai kuteerera vhangeri raIshe wedu Jesu.9Vachatambudzika pakurangiwa kwokuparadziwa kusingapere nopakuvharihwa kunze kubva pamberi paIshe nopakubhwinya kwosimba rache,10paachauya zuva rakarero kuti apasiwe kubhwinya muvatsvene vache, nokukanukiwa pakati povese vadotenda, ndava kupfakaza kwedu kwamuri kudotendewa.11Nokuda kwozvakarezvi tinoramba tichikunamatirai, kuti Mwari wedu akuitei vadokodzera kudaidza kwache, futi kuti nosimba rache azazise chido chenyu chokuita zvidonaka nobasa rokutenda,12kuti zita raIshe wedu Jesu rikudziwe mamuri, naimimi muri maari, zvichienderana nomutsa waMwari wedu naIshe Jesu Khirisitu.

The Word for the World International