VaThesaronika3
1Hama pakupedzisira, tinamatireiwo, kuti shoko raIshe rikurumidze kupararira futi riremekedzewe, fanike zvaridoita pakati penyu,2kuti tihwihwe kubva kuvanhu vadoipa novanyangadzi, ndava havasi vese vanokutenda.3Asi Ishe adotendeka, achakusimbisai, nokukuchengetedzai kubva kuno adoipa.4Futi tinovimba kuti muna Ishe, kuti muri kuita futi muchaita zvinhu zvatinokurairai.5Futi dai Ishe watungamira mwoyo yenyu kurudo raMwari, nomukutsungirira kwaKhirisitu.6Hama zvino tinokurairai, muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti muzviparadzanise kubva kuhama yese inogara ichiita zvonungo zvinopesana notsika dzamudotambira kubva kwatiri.7Ndava vakaremi munoziva kuti munofanira kutiteedzera tini; tanga tisinai kundogara patanga tina imimi,8hatinai kuphonyedza munhu tichija tisingamubhadhare, asi mukutambura tidoita basa tichishanda masikati nousiku, kuti tirekere kuva nomunhu watinochokwesa pakati penyu.9hazvireve kuti hatinai kufanihwa nokodzero yakareyo, asi kuti mukujidzana kwedu tikupasei muenzaniso wokuteedzera.10Ndava nopatanga tinaimimi, tidokurairai zvakarezvi, “Kana pano asingadi kushanda, mbaareke kuja.”11Ndava tiri kunzva kuti vamwe venyu vadondogara, vanondopambara, vasingaite basa.12Manje tinoraira vanhu vakarevo nokuvakurudzira muna Ishe Jesu Khirisitu kuti vaite basa ravo vadonyarara vachizviwanira zvinovachidza.13Asi hama, regai kuva nomakhato pakuita zvidonaka.14Kana mumwe munhu akaramba kuteerera zvatiri kunyaira mutsamba rakarei, ongororai munhu wakareyo, kuti murege kufambidzana naye, kuti anyare.15Regai kumutora fanike muvengi, asi murairei sehama.16Zvino Ishe worunyararo pachake mbaakupasei runyararo nguwa dzese nomutoo wese. Ishe mbaave naimimi mese.17Inipano, Phauro, ndanyora nojanja rangu ndichikumoresai. Kwakareku ndiko kuzikana kwomatsamba yangu yese. Ndiyo manyorero yangu.18Mutsa waIshe wedu Jesu Khirisitu mbauve naimimi mese.
The Word for the World International