VaRoma12

Zvibairo Zvipenyu

1Nokudaro nokuruvirai hama dzangu nomutsa waMwari kuti mupereke miviri yenyu sechibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari kwakareko ndiko kunamata kwenyu kwopamweya.2Rekai kumbofanana nonyika ino, asi sanduhwai kuburikidza nokuvandudza mufungo wenyu, kuti mukwanise kuraidza nokuziva kuda kwaMwari kudonaka, kunofadza, kudokwana.
3Nonyasha dzandidopasiwa, ndinoti kwamuri mese: Reka kumbozviona kunge wopamusoro kupinda zvauri, asi nopfungwa dzidopengenuka, uone zvinoenderana nochikero chokutenda kwaadopasiwa naMwari.4Sezvatidondoita kuti tinomuviri mubodzi unonhengo dzidowanda, nhengo dzakaredzo dzese dzinoitaba basa ribodzi,5saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo.6Tino zvipo zvidosiyana maererano nonyasha dzatidopasiwa. Kana chipo chomunhu chiri chokuporofita, mbaaporofite zvinoenderana nokutenda kwake.7Kana kuri kushanda, mbaashande, kana kuri kudzidzisa mbaadzidzise,8kana kuri kukurudzira, mbaakurudzire, kana kuri kubatsira vanosaya, mbaapereke achida, kana kuri kutungamirira, mbaatosimba, kana kuri kuitira tsitsi vamwe, mbaamboita adofara.
9Rudo mbarive rudoperera. Zondai zvidoipa, mubatirire pano zvidonaka.10Sehama nohama, zvipei pakuitirana rudo. Remekedza abiyako kukunda kuzviremekedza kwaunoita.11Rekai kumboita makhato, asi pisai pamweya, itai shungu dzokushandira Ishe.12Farai patariro, muite mwoyo murefu mumatambudziko, mutendeke paminyengetero.13Koveranai novanhu vaMwari vanosaya. Mbobatai mushe varendo.
14Ropafadzai vanokutambudzai, ropafadzai rekai kuvashurikidza.15Vanofara, faraiwo navo, novanorira, riraiwo navo.16Garai muchiwirirana. Rekai kuzvikudza, asi idai kufambidzana novanhu vadoderera. Rekai kuzviona kunge mudochenjera.
17Rekai kumbodzotsera chidoipa nochidoipa. Tsvagai kuita zvidonaka pamberi povese.18Pazvinokwanisika pese, garai murunyararo nomunhu wese.19Rekai kutsiva vadikani, asi siirai nzvimbo ukari hwaMwari, ndava zvidonyohwa kuti, “Kutsiva mhwangu, ndicharipira,” ndizvo zvinoreva Ishe.20Panzvimbo yokutsiva, “Kana muvengi wako wapfa nonzara, mupase chokuja, kana waanonyota, mupase chokumwa. Mukaita daro munovatsvonda nomoto wonyadzi.”21Rekai kumbokundiwa nozvidoipa, asi kundai zvidoipazvo nozvidonaka.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014