VaRoma13

Kuva Pasi poVanomasimba

1Munhu wese mbaazviise pasi povatongi, ndava hapanai ukuru huripo husinai kumisiwa naMwari. Utongi huripo hudotogadziwa naMwari.2Saka uyo anopandukira vatongi anopandukira kugadza kwaMwari, manje vanhu vadodarovo vari kuzvisorera kutongewa.3Ndava vatongi vanochisaba kana uchiita zvidonaka, asi kuno avo vanoita zvidoipa. Unoda kugara usingache vatongi chere? Mboita zvidonaka kuti iye akuretserere.4Ndava iye muranda waMwari aripo kukunatsira. Asi kana uchidzonga, icha, ndava bakatwa raanaro anoritakuriraba mahara. Iye muranda waMwari, nhumwa youkari inoranga vanyangadzi.5Saka zvidokosha kuti uzviise pasi povanomasimba, aikona nondava yokucha kurangiwa basi, asiwo nokuda kwohana.
6Chakarechi ndicho chikonzero muchiripa mitero, ndava vanomasimba ava mbaranda vaMwari, vanopa nguwa yavo yese pakutonga.7Ripai munhu wese zvaanofanira kuripiwa. Kana iri mitero, ripai mitero, kana iri nzvimbo inoterehwa, itererei, kana vari vanokudziwa, vakudzei, kana vari vanyarikani, vanyarei.

Kuitirana Zvidokodzera

8Rekai kuva nochikwerete nomunhu, kusiya kwochikwerete chinogara chiripo chokudanana, ndava anoda mabiyache anozazisa mutemo.9Mirairo inoti, “Reka kuita upombwe, reka kubaya, reka kuba, reka kuchiva,” Noumwe murairo, inozazisiwa pamutsara mubodziyu unoti, “Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.”10Rudo runoitiraba umwe zvidoipa. Nokudaro rudo runozazisa mutemo.
11Nokunzvitsitsa nguwa yatiri, pengenukai pahope muite zvakarezvo, ndava kuponesewa kwedu kwava papfupi panozvakwanga kuri patidotanga kutenda.12Usiku hwaakupera, zuva raakuda kubirika. Saka mbatisiyei zviito zvorima tisimire zvombo zvochiedza.13Mbatiraramei zvinomutsigo sevanhu vomasikati, mbatireke kuita zvomapira nokuredzera, kana chimeso meso nokuita madiro kana kuitirana mhoka, nochanje.14Asi simirai Ishe Jesu Khirisitu, murekere kufunga kufadza nyama pazvido zvayene.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014