VaRoma11

Varipo Vachasara kuvaIzirairi

1Inipano ndinobvunza kuti: Anga Mwari adoramba vanhu vache chere? Neye, ndizvo rini! Inini pachangu ndidotovawo muIzirairi, chizvahwa chaAbhurahamu, ndiri wodzinza raBhenjamini.2Mwari haanai kuramba vanhu vache, vaadogara waziva kare. Munozivaba nai zvinorehwa noGwaro pamusoro paEriya, kumhangarira kwaadoitira vaIzirairi kuna Mwari?3“Ishe, vadobaya vaporofiti venyu, vachipaza atari dzenyu, inini ndega ndegani ndini ndasara, kudaiku vari kutotsvaga kundibayawo.”4Adomupindura kuti chii? “Ndidozvichengetera vanozvuru zvinomwe, vasinai kana kumbopfugamira Bhaari.”5Saka nopanguwawo yakareino, varipo vadosara, vadosaruriwa nonyasha.6Manje dzikava mutsa, zvichavaba zvomabasa, ndava zvikava zvomabasa, kana nonyasha dzinenge dzichiriba mutsa.7Kuti chii? Chidotsvagitsitsiwa novaIzirairi havanai kuchiwana, vasaruhwa ndivo vadochiwana, vamwe vese vadoomesewa mwoyo,8sekunyohwa kwazvidoitiwa, “Mwari adovapasa mweya wokuzungaira, meso yano buzvi, nonzeve dzisinganzve kusvika pazuva ranasi.”9NaDhavhiti anoti,“Tafura yavo mbaive riva noukhonje hudoteyewa,mbavatsiviwe nokuguhuniwa kuti vawe.10Meso yavo mbayaite rima kuti vatadze kuona,misana yavo mbaigare idotumbamisiwa nokusingapere.
11Ndinobvunza kamu: Vadoguhuniwa kuti vawe? Ndizvo rini! Asi, nondava yokutadza kwavo, ruponiso rudouya kudzimwe Ndudzi kuti vaIzirairi vaite chanje.12Manje kana kutadza kwavo iri pfuma kunyika, nokurasikihwa kwavo iri noto kuno vodzimwe Ndudzi, ko kudzoti panokwanisiwa uwandu hwavo, makomborero yacho yanenge yadoita mukuriro wei!

Kuponesewa Kwoyamwe Marudzi

13Ndiri kunyairira vakaremi vodzimwe Ndudzi. Zvandiri nhumwa wodzimwe Ndudzi, ndiri kukwidziridza basa rangu,14Ndichigurupira kuti kabanga ndingapase chanje kuvanhu vorudzi hwangu kuti vamwe vacho vaponesewe.15Saka kana kurambiwa kwavo kudoita kuti nyika iyananisiwe, ko kudzoti kutambihwa kwavo kunotorevaba upenyu kuno vadopfa?
16Kana chikamu chidiki chomukanyiwa unoitiwa chipo chochibereko chokuthanga chiri chitsvene, saka mukanyiwa wese unenge wasara mutsvenewo peno, kana mudzi uri mutsvene nomathai yacho matsvene kamu.17Kana yamwe mathai yomuorivhi yadokhwanhuriwa, asi iwepa, kana zvazvene uri bukira rothai romuorivhi, udophatikihwa pakati pomathai yomuorivhi womumusha, ndokuwanawo chikafu pamidzi yomuorivhi wakareyo.18Reka kumbodadira mathai yopakarepo yokukwanhuriwa yaye. Kana ukada zvokudada, fungitsitsa kuti, ndiweba udotakura midzi, asi midzi ndiyo idokutakura.
19Ungati zvako, “Mathaiyo yadokwanhurihwa kuti inini ndiphachikihwe pakarepo.”20Hinde. Vadokwanhuriwa nondava yokusatenda, iwepa udotomirawo nokutenda. Chireka kumbodumba, asi icha.21Ndava kana Mwari asinai kumisa mathai chaiyo yopakarepo, kana wakarewe anokumisaba.22Pakarepa tinoona kunaka nokuoma kwaMwari: adooma kunovaye vadowa, asi adonaka kwamuri, ndokunge maramba muri mukunaka kwache. Potse potse naimimiwo munokhwanhuriwa kamu.23Kana vaJudha vakasiya kusatenda kwavo, vanophachikihwa kamu, ndava Mwari anogona kuvaphachikira pakare.24Kana imipa muri mathai yadotemewa pamuorivhi womusango muchibva maphachikihwa zviri kunze kwomutemo womusikihwo pamuorivhi unorimiwa, zvidotonyanyitsa kupusa peno kuti paphachikihwe mathai yagara yari yopakarepo.

vaIzirairi Vachaponesewa

25Ndinodaba kuti hama dzangu musaye kuziva pamusoro pochidohwanda ichi, kuitira kuti mureke kuzvifurira muchiti mudochenjera: vaIzirairi vaita mwoyo udooma kwonguwa yakareino kusvikira uwandu hwovodzimwe Ndudzi hwakwana kupinda.26Nokudaro vaIzirairi vese vachaponesewa. Semanyorehwo yazvidoitiwa:“Mununuri achauya kubva paZioni,achabiritsa kusaya umwari pana Jakobho.27Ichi ndicho chibvumirano chandichaita navopakubisa kwandichaita zvitema zvavo.”
28Nondava yoNyaya Dzidonaka, parizvino imhandu kuna Mwari nokuda kwenyu imipa vodzimwe Ndudzi, asi panyama mbadikani nokuda kwomadziteteguru.29Ndava chipo chaMwari nokudaidza kwache zvinosandukaba.30Sezvamudondoitawo imipa kare manga musingateerere Mwari, asi manje mudotambira tsitsi dzamudotambira nondava yokusateerera kwavo.31Saka naivo parizvino havasi kuteerera kuti naivowo vatambire tsitsi dzaMwari dzamudotambirawo imimi.32Ndava Mwari adozaririra vanhu vese pakusateerera kuti avaitire tsitsi vese.

Mwari Mbaakudziwe

33Nangarai makuriro youpfumi hwaMwari! nokugwiridza kwouchenjeri nomaziviro yache! Hapanai peno anobata matongero yache, nonzira dzache dzinonzvitsitsikaba peno!34“Mbani adoziva pfungwa dzaIshe?Nachipangamazano wakeyo, mbani?35Mbani ano chaadopasa Mwarikuti Mwari amuripe?
36Ndava zvinhu zvese zvidobva kwaari uye zviripo kuburikidza naye zvinouya kwaari ndava zvese nzvache. Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingapere. Ameni.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014