1 Vakorinde13

1Kana ndingataure nondimi dzovanhu nodzongirozi, asi ndisinai rudo, ndandova kufurumidza kwodare kana kwosimbi iri kugon’kugon'ohwa.2Kana ndikaporofita, nokunzvitsitsa zvidosvisvika zvese noruzivo rese, uye kana ndinokutenda kwese, zvokutosudurutsa makomo, asi ndisinai rudo, handisi chinhu.3Kana ndikapereka zvese zvandinazvo, nokupa muviri wangu kuti upisiwe, asi ndisinai rudo, hapanai chandinowana.
4Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza,5harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa,6rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi.7Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese.8Rudo rinoperaba. Asi kana zviri zviporofiti, zvichapfuruka, kana dziri ndimi dzichapera, kana riri ruzivo, richapfuruka.9Ndava ruzivo redu harinai kuzara nochiporofiti chedu hachinai kuzara,10asi kana zvidozara zvasvika, zvisinai kuzara zvichapamwara.
11Pandaiva mwana, ndaitaura semwana, ndaifunga semwana, ndinokufunga sekwomwana, pandidodzokura ndidosiya zvoudiki.12Ndava zvino tinoona zvobuzvi kunge pachiringiriro, asi panguwa iyoyo tichaonana zviso zvidonagarana. Zvino ndinoziva chikamu, panguwa iyoyo ndichaziva zvizere, sekuzikana zvizere kwandinoitiwa.
13Nokudaro kutenda, tariro, norudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara, asi chikuru chazvene ndiro rudo.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014