1 Vakorinde14

1Vavarirai kuva norudo, uye ditsitsai zvipo zvomweya, kunyanyitsa kuti muporofite.2Ndava anotaura noimwe ndimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari, ndava hapanai anomunzvitsitsa, asi anonyaira muMweya zvidohwanda.3Asi kunorimwe divi, anoporofita anotaura kuvanhu kuti vavakhike nokukurudzihwa uye kuti vanyaradziwe.4Anotaura nondimi anozvivaka iye, asi anoporofita anovakha kherekhe.
5Zvino ndinoda kuti mese mutaure nondimi, asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kukunda anotaura nondimi, kunze kwokunge pano mududziri, kuitira kuti kherekhe ivakhike.6Zvino, hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nondimi, ndinokubatsirai tini kunze kwokuti nditaure kwamuri kuzururihwa kana ruzivo kana chiporofiti kana dzidziso?
7Kana zvinoridziwa zvisinai upenyu, zvidoita sechinonje, kana kamukubwe, zvikasasiyanisa muririro, munhu angazive tini chirikuridziwa?8Kana hwamanda ikareka kupa musiyano, mbani angagadzirire kohwa?9Ndomwenze imipa, kana mukataura shoko mundimi dzisingazikane, zvinorehwa zvingazikane tini? Ndava munenge muchitotaura kumhepo.10Pasina kupokana pano mitauro mizinji munyika, futi hapanai usinai zvaunoreva,11asi kana ndisingazive zvinoreva mutauro, ndichava mubvakure kumutauri nomutauri achiva mubvakure kwandiri.12Ndozvazvidoita naimipa, sezvo muchiditsa zvipo zvomweya, tsvagai zvinovakha kherekhe.
13Uyo anotaura nondimi mbaanamatire kudzidudzira.14Ndava kana ndikanamata nondimi, mweya wangu unonamata asi pfungwa yangu inosaya chibereko.15Saka ndoita tini? Ndichanamata nomweya ndodzonamatawo nopfungwa, ndichaimba nomweya ndodzoimbawo nopfungwa.16Zvino kana muchirumbidza nomweya, munofunga murendo arimo angati “Ameni” tini kana asingazive zvamuri kutaura?17Ndava mungatopa kutenda zvidokwana, asi umwe asiri kuvakhika.
18Ndinotenda Mwari kuti inini ndinotaura nondimi kukunda mese,19zvisinei, mukherekhe ndingatoda kutaura mashoko mashano yanonzvitsitsiwa, kuitira kuti ndidzidzise vamwe, panokuti nditaure nondimi mashoko yasingaverengeke.
20Hama, rekai kuva kufunga sevana, asi panozvidoipa ivai sevana, uye pakufunga kwenyu muve vakuru.21Mumutemo mudonyohwa,“Ndichataura kuvanhu vakarevandichishandisa vanhu vomutauro wodzimwe ndimiuye nomiromo yovatohwaasi kunyange zvidodaro havasi kudzonditeerera.” Ndizvo zvinonyaira Ishe.
22Saka, ndimi chiratidzo aikona kuvatendi asi kuno vasingatendi, asi kuporofita hakusi kwovasingatende, asi nghovatendi.
23Zvino, kana kherekhe yese yaungana, vese vachitaura nondimi, vokunze kana kuti vasingatende vakapinda, vangatotiba munopenga?24Asi kana vese vakaporofita, asingatende kana kuti wokunze akapinda, anokomwesewa novese kuti mutadzi,25zvidosvisvika zvomwoyo wache zvinoisiwa pachenu, zvokuti, anowa nochiso chache, achinamata Mwari nokuziva kuti, “Mwari ari pakati penyu zvochokwadi.”
26Chiiko zvino, hama? Pamunosangana, umwe noumwe anochimbo, chidzidzo, kuzururihwa, ndimi, kana kududzira. Zvinhu zvese mbazviitihwe kuvaka.27Kana pakava noanotaura nondimi mbapandoita vairi chete vakawanditsa vave vatatu, vachiita mubodzi mubodzi panguwa, uye umwe mbaadudzire.28Asi kana pasinai anodudzira, vese mbavanyarare mukherekhe, iye azvinyairire uye anyaire kuna Mwari.29Mbapave novaporofiti vairi kana vatatu vanonyaira, vamwe mbavaongorore zvinonyaihwazvo.30Kana kuzururihwa kwapasiwa kunoumwe adogarikika pakarepo, mutauri wokuthanga mbaanyarare.31Ndava mese munogona kuporofita mubodzi mubodzi, kuitira kuti vese vadzidze uye vese vakurudzihwe.32Uye mweya wovaporofiti unozviisa pasi povaporofiti,33ndava Mwari haasi wonyongano asi ngworunyararo.
Asi sezvidoita mukherekhe dzese dzovatsvene,
34vakadzi mbavagare vadonyarara mukherekhe. Ndava vanotendehwaba kutaura, asi vanofanira kuzviisa pasi, sezvinoreva mutemo.35Kana panochavanoda kuziva, mbavabvunze varume vavo kumba. Ndava zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure mukherekhe.
36Ko shoko raMwari ridothangiwa naimimi chere? Kana kuti ridondosvika kwamuri imimi basi?37Kana pano anofunga kuti muporofiti, kana ngwomweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai kuraira kwaIshe.38Kana aripo asingaone izvi, iye mbaareke kuzikana.
39Saka hama dzangu, nyanyitsai kuda kuporofita, uye rekai kurambidza kutaura nondimi,40asi zvinhu zvese mbazviitiwe nonzira idofanira idorongeka.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014