1 Vakorinde12

1Hama dzangu, kana zviri zvipo zvomweya,
ndinodaba kuti muve vasingazive.
2Munoziva kuti pamanga musati mava vatendi, maitsambutsihwa kuzvifananidzo zvisingataure, muchifambisiwa nonzira dzese dzese.3Nokudaro ndinoda kuti munzvitsitse kuti hapanai anotaura noMweya waMwari angati “Jesu mbaashurikidziwe!” uye hapanai angati “Jesu ndiShe” asi noMweya Mutsvene.
4Zvino pano marudzi yozvipo yadosiyana, asi Mweya mubodzibodzi,5uye pano marudzi yokushumira yadosiyana, asi Ishe mubodzibodzi,6uye pano marudzi yadosiyana yokushanda, asi ndiMwari mubodzibodzi anopasa kugona zvese muvanhu vese.7Umwe noumwe adopasiwa kuzururira kwoMweya kuti zvibatsire vese.8Kuno umwe adopasiwa naMweya kunyaira kwouchenjeri, kuno umwe kunyaira kworuzivo kuburikidza naMweya mubodzibodzi,9kuno umwe kutenda naMweya mubodzibodzi, kuno umwe zvipo zvokuporesa naMweya mubodzibodzi,10kuno umwe mabasa yominana, kuno umwe kuporofita, kuno umwe kugona kusiyanisa mweya, kuno umwe marudzi mazinji yondimi, kuno umwe kududzira ndimi.11Zvese izvi zvinofemehwa naMweya mubodzibodziyo, anopereka sezvaanoda kumunhu nomunhu.
12Ndava sezvidondoita muviri kuti mubodzi asi unonhengo dzizinji, dzese dziri nhengo dzomuiri, kana dzidowanda zvadzene, dzinondova muviri mubodzi, ndizvo zvidoita Khirisitu.13Ndava noMweya mubodzi tese tidoombekewa mumuviri mubodzi vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vadosununguka uye tese tidomwa paMweya mubodzi.
14Ndava muviri unoumbiwaba nonhengo ibodzi asi dzizinji.15Kana tsoka ikati, “Ndava handisi ruoko, handisi womuviri,” zvakarezvo zvinoiitaba kuti ireke kuva chikamu chomuviri.16Uye kana nzeve ikati, “Nondava yokuti handisi ziso, handisi womuviri,” zvakarezvo zvinoiitaba kuti ireke kuva chikamu chomuviri.17Dai muviri wese waiva ziso, ko kunzva kwaidzova poi? Dai muviri wese waiva nzeve, ko kunuhwidza kwaidzova poi?18Asi sezvazviri, Mwari adoronga zvidzu mumuviri, chimwe nochimwe sezvaadoda.19Dai zvese chaiva chidzu chibodzi, muviri waidzova poi?20Sezvazviri, pano zvidzu zvizinji, asi muviri mubodzi.
21Ziso haringati kuruoko, “Handina basa newe,” kana musoro kutsoka, “Handina basa nemi.”22Asi kutoti, zvidzu zvomuviri zvinoita kunge zvisinai simba ndizvo zvinokoshesewa,23nozvidzu zvomuviri zvatinofunga kuti zvinokudziwa pashoma tinozvikudza maninge, nozvidzu zvedu zvisingatambirike tinozvipa chiremera chikuru,24asi zvidzu zvedu zvinotambirika hazvinai kukoshesewa kwazvinoda. Asi Mwari adoronga muviri daro, kupereka kukudziwa kukuru kuzvidzu zvidozvidzika,25kuti mumuviri mureke kuva nokupesana, asi kuti nhengo dzichengetane.26Kana nhengo ibodzi ikashupika, dzese dzinoshupika, kana nhengo ibodzi ikakudziwa, dzese dzinofara pabodzi.
27Zvino muri muviri waKhirisitu uye umwe noumwe wenyu inhengo dzawene.28Uye Mwari adoisa mukherekhe pakuthanga nhumwa, pochipiri vaporofiti, pochitatu vadzidzisi, tevere vaiti vominana, tevere varapi, vabatsiri, vatungamiri, vatauri vomarudzi mazinji yondimi.29Vese nhumwa nai? Vese mbaporofiti nai? Vese mbadzidzisi nai? Vese vanoita minana nai?30Vese vano zvipo zvokurapa nai? Vese vanotaura nondimi nai? Vese vanoturikira nai?31Asi nyanyitsai kuda zvipo zvinokosha.
Uye ndichakunangidzai nzira iri nani.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014