VaHebheru12
1Naizvozvo, zvatidokomberedzewa noguti rovapfakazi ridokura daipa, mbatibiritsei zvese zvinotiremera, nozvitadzo zvinombondotinamatira, timhanye nokutsungirira mujaho watidotarihwa,2tidonangara kunaJesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye adoshinga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro udoisiwa pamberi pache, adoshora kunyadzisiwa kwawene, achibva wagarikika kujanja roruji romupando woushe hwaMwari.3Mucherechedzei wakareyu adoshingirira pakupikisa kwovatadzi, kuitira kuti imipa mureke kuneta kana kuwa chikhomo.4Mukukikiritsana kwenyu nozvitadzo hamunati madzivisa kusvikira pakubirika gazi.5Anga makangamwa nai kutsindikira kunonyaira kwamuri sekuvana kuchiti?“Mwana wangu, reka kuzvidza kuranga kwaIshe,reka kupera mwoyo kana uchirangiwa naye.6Nokuti Ishe anoranga waanoda,nokurova mwana wese waanogamuchira.”7Munofanira kutsunga pakurangiwa. Mwari ari kukubatai sevana vache, nokuti ngupi mwana asingarangiwe nababa vache?8Kana mukareka kurangiwa, sezvinoitiwa vana vese, muri vana vomasanganiswa hamuzi vana vache.9Pamusoro pozvakarezvi, isisu taiva nanababa vedu vopanyika vaitiranga uye taivakudza. Ko hatingazviise pasi paBaba vomweya yedu kuti tirarame?10Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache.11Zvino kwokanguwa kuranga kwese hakufadze, asi kunodzimba pamasure kunobereka chibereko chorugare chinouyisa kururama kuno vadodzidzisiwa nako.12Saka simbisai pakamu manja yadorebhwedeka nomabvi yasinai simba,13uye nhadzirirai tsoka dzenyu nzira dzidorungama, kuti chinodzomhira chireke kudzvuguduka asi kuti chiporesewe.14Tsvagai kuva norugare novanhu vese, uye noutsvene nokuti kunze kwahwene hapanai achaona Ishe.15Onai kuti hapanai anokundikana kuwana mutsa waMwari, kuti “mudzi unovava” ureke kumuka uchikutambudzai, uye kuti nawo vazinji vasvipisiwe.16Mbakureke kuva nomhombo kana asinai basa nokunamata fanike Isau, adotengesa udangwe hwache nokundoja kabodzi basi.17Nokuti munoziva kuti mumasure mozvakarezvo, paanga waakuda kugara nhaka yokukomborehwa, adorambiwa, nokuti haanai kuwana nguwa yokupinduka, kana zvazvene adoitsvaga nomisodzi.18Nokuti hamunai kuuya kugomo rinobatika nomanja, futi riri kupfuta moto, uye kurima nokukusvipa nokuduthu rikuru,19nokukurira kwotsuri, nokuizvi romashoko ivo vadorinzva vadokumbira kuti yamwe mashoko yareke kudzonyaihwa kwavari.20Nokuti vadotadza kutsungirira pano zvavadopasiwa kuti vateedze, “Kunyange mhuka kana ikasvika pagomo, ichatakiwa nomabhwe.”21Nzvimbo yacho yanga ichichisa chaizvo, zvokuti naMozisi adototi, “Ndinotetemera nokucha.”22Asi imipa mudouya kugomo roZiyoni nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga, nokungirozi dzisingaverengeke dzinounganira mhemberero,23nokuungano yomatangwe yadonyorewa kudenga, nokumutongi anova Mwari wovese, nokumweya yovadorurama vadokwanisiwa,24nokunaJesu, murevereri wochibvumirano chitsva, nokugazi ridosasiwa rinonyaira zvidonaka kupinda raEbhero.25Onai kuti munorambaba iye ari kunyaira. Nokuti kana ivo vadomuramba vasinai kupukunyuka paanga achivachenjedza panyika, kana naisisuwo tinopukunyukaba kana tikamuramba iye anotichenjedza kubva kudenga.26Izvi rache pakarepo ridogwetedza nyika, asi iye zvino adovimbisa, achiti, “Ndichagwetedza pakamu kabodzi aikona nyika basi asi nodengawo.”27Manje shoko iri rokuti, “Kabodzi pakamu,” rinonangidza kubiritsiwa kwozvinogwetedzeka, zviri zvidosikiwa, kuitira kuti zvisingagwetedzeke zvisare.28Sezvo tiri kutambira umambo husingagwetedzeke mbatitendei nokushumira Mwari kunotambirika nokuremekedza nokucha,29nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
The Word for the World International