VaHebheru11

1Zvino kutenda ndicho chisimbiso chozvinhu zvatinotarisira, nochiratidzo chozvinhu zvatisingaone.2Nokuti naiko vanhu vokare vadopfakazihwa zvidonaka.
3Nokutenda tinonzvitsitsa kuti nyika idosikiwa noshoko raMwari, nokudaro zvinooneka zvidoitiwa nozvinhu zvisingaoneke.4Nokutenda Ebhero adobaira chibairo chidonaka kuna Mwari kupinda chaKhaini, kuburikidza nacho adopfakazihwa kuti wanga adorurama, Mwari achimupfakazira nokufarira zvipo zvache, adopfa, asi kuburikidza nokutenda kwache achiri kunyaira nanasi.
5Nokutenda Inoki adotorewa kuti areke kuona ipfa, uye haanai kudzooneka, nokuti Mwari wanga wamutora. Nokuti asati watorewa adopfakazihwa kuti wanga achifadza Mwari.6Uye kana pasinai kutenda hazvikwanisike kumufadza. Nokuti wese anonyedza papfupi naMwari anofanira kutenda kuti iye aripo uye kuti anopasa mibairo vakarevo vanomutsvagitsitsa.
7Nokutenda Nowa, paadochenjedzewa pamusoro pozvinhu zvanga zvisinati zvaoneka, adoteerera ndokugadzira ngarava kuti araramise mhuri yache, nozvakarezvi adopasa nyika mhosva akava mugari wonhaka yokururama kunouya nokutenda.
8Nokutenda Abhurahamu adoteerera paadodaidziwa kuti aende kunzvimbo yaadoudziwa kuti waidzoipasiwa ichiva nhaka yache, adobirika ndokuenda asingazive kwaanga achienda.9Nokutenda adogara munyika yochipikihwa kunge mutohwa, sepanyika yovamwe, adogara mumatumba naIsaki naJakobho, vanga vari vaji vonhaka yochipikihwa chibodzicho pabodzi naye.10Nokuti wanga achigurupira kuwana guta ranga rinonheyo, munhadziri nomuvakhi warene ari Mwari.
11Nokutenda naiye Sara pachake adopasiwa masimba yokuita pamuviri kana zvache wanga wachemberetsa asinati wazvara, nokuti adoti iyeyo adomupikira adotendeka.12Naizvozvo kubva kumurume mubodzi, wanga watoita kunge adopfa, kudozvahwa vana vadowanda kunge nyenyedzi dzokudzuru uye kunge jecha riri kumhera kwogungwa risingaverengeke.
13Vanhu vakareva vese vadopfa vachitenda, vasinai kupasiwa zvavadovimbisiwa, asi vadozviona zviri kurefu ndokuzvitambira, uye vadotenda kuti ivo mbarendo novatohwa panyika.14Nokuti vanhu vanonyaira zvidodarozvo vanonangidza pachenu kuti vari kutsvaga nyika yavo chaiyo.15Nokuti kana dai vairamba vachifunga pamusoro ponyika yakareyo yavadobva kwairi, vangadai vadowana mukana wokudzoka.16Asi manje vanoda imwe nyika idonaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haanai nyadzi kuti adaidziwe kuti Mwari wavo, nokuti adovagadzirira guta.
17Nokutenda Abhurahamu, paadoedzewa naMwari, adopereka Isaki sechibairo, iye wanga watambira zvivimbiso wanga waakuda kubaira mwanakomana wache mubodzi basi,18kana zvazvene Mwari wanga wati kwaari, “Nghuburikidza naIsaki kuti vana vako vadaidziwe zita.”19Abhurahamu adoona kuti Mwari anokona kumutsa vanhu kuvadopfa, naipopawo kana tichinyaira nomufananidzo, adomugamuchira pakamu kubva kuvadopfa.
20Nokutenda Isaki adokomborera umwe noumwe wovanakomana vaJakobho naIsau pamusoro poramangwana ravo.
21Nokutenda Jakobho, paanga wakupfa, adokomborera mwanakomana umwe noumwe waJosefa, adonamata adokotamira pamusoro potsvimbo yache.
22Nokutenda Josefa, paanga waakusvika kumagumo kwoupenyu hwache, adonyaira zvokubirika kwovana vaIzirairi, adovatsindikira pamusoro pokuvikhiwa kwomapfupa yache.
23Nokutenda Mozisi, paadozvahwa adosvisviwa novabereki vache kwomwedzi mitatu, nokuti vadoona kuti wanga ari mwana adonaka, havanai kucha mutemo wamambo.
24Nokutenda Mozisi, wakura, adoramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao,25adosarudza kuitihwa zvidoipa pabodzi novanhu vaMwari panomafaro yozvitema yonguwa ipfupipfupi.26Iye adoti kubatiwa uyanga nokuda kwaKhirisitu ipfuma ikuru panoupfumi hwese hwoIjipiti, nokuti adonangara kumubairo.
27Nokutenda adobirika muIjipiti asingache ukari hwamambo, nokuti adotsungirira semunhu anoona iye asingaoneke.28Nokutenda adochengeta Phasika nokuwazira gazi, kuti Mubai womatangwe areke kubata matangwe yovaIzirairi.
29Nokutenda vanhu vadoyambuka Gungwa Ritsvuku sepanyika idooma, asi vaIjipiti, pavadoedza zvibodzi bodzizvo vadomwira nhondwa ndokupfa.
30Nokutenda madziro yoJeriko yadowira pasi mumasure mokuzvengerehwa kwomazuva manomwe.31Nokutenda Rahabhi waiva pfambi, haanai kuparara pabodzi novaye vanga vasingateerere, nokuti wanga agamuchira nhumwa zvidonaka.
32Uye nzvipi zvimwe zvandichanyaira? Nokuti ndichaperehwa nonguwa kuti ndinyaire zvaGidhiyoni, naBharaki, naSamusoni, naJefuta, nozvaDhavhiti naSamueri novaporofiti,33kuburikidza nokutenda ivova vadokunda umambo, vadoita zvidorurama, vadopasiwa zvipikihwa, vadovhara miromo yomhondoro,34vadodzimwa marimi yomoto waipfuta zvokupenga, vadopunyuka bakatwa ridopinza, vadosimbisiwa pakuvhuwa vakava nosimba pakuhwa, vadodzingidza mauto yomamwe marudzi.35Vakadzi vadopasiwa vadopfa vavo vamutsiwa kubva kuvadopfa.
Vamwe vadohwadzisiwa, vachiramba kusununguhwa, kuti vadzomuka pakamu kuupenyu hudonaka.
36Vamwewo pakare vadotambudziwa vachisekewa nokurohwa zvikuru, uye vadotosungiwa nokuisiwa mumatorongo.37Vadotemewa nomabhwe, vadogwatiwa nopakati, vadobaiwa nobakatwa, vadofambafamba vadosimidziwa matehwe yomahwai noyombudzi, vasinai chinhu, vachitambudziwa, vachiitihwa zvidoipa,38kwavari nyika yanga isinai kuvafanira, vachidzungaira mugwenga nomumakomo, nomumapako nomumakomba yonyika.
39Vakareva vese vanokutenda kudopembedzewa asi haanai adotambira zvavadovimbisiwa,40nokuti Mwari wanga waona chimwe chinhu chiri nani kwatiri, kuti kana tava pabodzi navo chete, ndipo pavanoitiwa vadokwana.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014