VaHebheru13
1Rudo mbarirambe riripo pakati pohama.2Damba kureka kuitira varendo rudo, nokuti vachidaro vamwe vadogara pabodzi nongirozi vasingazvizive.3Yeukai avo vari mutorongo, kunge mudosungiwa pabodzi navo, novanobatiwa uyanga, sekunge ndimi muri kutambura.4Kuroorana mbakukudziwe nomunhu wese, nobonde rovadoroorana mbarireke kusvipisiwa, nokuti Mwari achatongesa mhombo nomahure.5Zvichengetei mudosununguka kubva pakuditsa mari, uye mugutsikane nozvamunazvo, nokuti iye adoti, “Ndinokurekeraba kana kukusiya.”6Nokudaro tinonyaira tisingache tichiti,“Ishe ndiye mubatsiri wangu,Ndinochaba,munhu anondiiteiko?”7Yeukai vatungamiriri venyu, vakarevo vadokuparidzirai shoko raMwari; cherechedzai kuguma kwoupenyu hwavo, motevera kutenda kwavo.8Jesu Khirisitu anogara adodaro nezuro, nasi nokusingapere.9Rekai kutsambutsiwa nodzimwe dzidziso dzisingazikane, nokuti zvidonaka kuti mwoyo usimbisiwe nomutsa, aikona nozvokuja zvidoyeresewa, zvisinai kubatsira ivo vanozvija.10Isisu tino atari pasingatendehwe kujihwa novanobata basa pabumba rokukumanira.11Nokuti zvitunha zvozvipfuwo zvinogazi raiuyisiwa muimba itsvene nomuphirisita mukuru sechipiriso chozvitema zvaipisihwa kunze kwomusasa.12Saka naJesuwo adotambudzika kunze kwomusuwo weguta kuti aita vanhu vatsvene kuburikidza nogazi rache.13Naizvozvo mbatibudire kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadzisiwa kwaadokumana nako.14Nokuti pano hatinai guta rinogara, asi tinotsvaga guta richadzouya.15Naizvozvo mbatirambei tichimbondobaira chibairo chokurumbidza Mwari kuburikidza naye, ndicho chibereko chomiromo inopfakaza zita rache.16Rekai kukangamwa kuita zvidonaka nokukovana novamwe zvamunazvo, ndava Mwari anofadziwa nokuzvipira kudodaro.17Tetekerai vatungamiriri venyu muzviise pasi pavo, nokuti vanochengeta mweya yenyu, sevanhu vachadzobvunziwa pamusoro penyu. Itai zvakarezvi kuti ivo vaitewo basa ravo vachifara vasingaremehwe, ndava zvakarezvo hazvikubatsirei chinhu.18Tinamatirei, nokuti tinochokwadi kuti tinohana dzidochena tinoda kuita zvidonaka muzvinhu zvese.19Ndinokukumbiritsai kuti muite zvakarezvi kuitira kuti ndidzotsehwe kwamuri nokamangu.20Zvino Mwari worugare adodzotsa pakare kubva kuvadopfa Ishe wedu Jesu, nyakabusa mukuru womahwai, nogazi rochibvumirano chisingapere,21mbaakukwanisei nozvinhu zvese zvidonaka kuti muite kuda kwache, iye achishanda mukati menyu zvinhu zvinofadza pamberi pache, kuburikidza naJesu Khirisitu, mbaave nokubhwinya nokusingaperepere! Ameni.22Ndapota hama dzangu, batiranai pashoko rokuraira kwangu, nokuti ndidokunyorerai zvishomashoma.23Nzvitsitsai kuti hama yedu Timoti adosununguhwa. Kana akakurumidza kusvika ndichauya kudzokuonai pabodzi naye.24Ndimoreserei vatungamiriri venyu vese novatsvene vese. Avo vanobva kuItari vanokumoresai.25Mutsa mbauve nemi mese. Ameni.
The Word for the World International