VaHebheru2
1Nokudaro tinofanira kutetekeretsa kuno zvakarezvo zvatidonzva, kuti tireke kubirika kubva pazviri.2Nokuti kana mashoko yadonyairiwa nongirozi yanga yanosimba uye kutadza kwese nokusatetekera kwese kudopasiwa mubairo udofanira,3tichapukunyuka tiniko kana tisinai basa nokuponesewa kukuru kudodai? Kudoparidziwa pakuthanga naIshe, kukasimbisiwa kwatiri novakarevo vadomunzva.4Naiyewo Mwari adopupura nozviratidzo nozvishamiso nominana mizinji uye nozvipo zvoMweya Mutsvene zvidokovehwa nokuda kwache.5Nokuti Mwari haanai kuisa pasi pongirozi nyika inouya yatiri kunyaira nozvayo.6Asi zvidopupuriwa noumwe panoimwe nzvimbo achiti,“Ko munhu chiiko zvamunomuitira hanya,kana mwanakomana womunhu zvamunomubvakachira?7Kwokanguwa mudomuderedza pashoma panongirozimudomushongedza korona yokubhwinya nokukudziwa,8mudoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache.”Zvino pakuisa zvinhu zvese pasi pache, haanai kusiya chinhu kunze chisinai kuisiwa pasi pache. Panguwa ino hatinati taona zvinhu zvese zviri pasi pache.9Asi tinoona Jesu, iye kwokanguwa kapfupi adoitiwa mudiki pashoma kungirozi, asi zvino adoshongedzewa korona yokubhwinya nokukudziwa nondava yokuti adotambudzika pakupfa, kuitira kuti nomutsa waMwari aravire ipfa nokuda kwomunhu wese.10Nokuti zvanga zvidokodzera kuti zvinhu zvese zvidoitihwa iye uye kuti zvinhu zvese zviripo nokuda kwache, pakuuyisa kwache vanakomana vadowanda pakubhwinya, akwanise kuva muvambi woruponiso ravo rudokwana kuburikidza nokutambudzika.11Nokuti uyo anovaita vatsvene novakarevo vanoitiwa vatsvene vese mbabodzi. Ndosaka asinganyare kuvadaidza kuti hama.12Iye anoti,“Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu,pakati poungano ndichakurumbidzai.”13Pakare, “Ndichaisa kuvimba kwangu maari.” Uye, “Pano ndini, novana vandidopasiwa naMwari.”14Nokudaro vana zvavari vonyama nogazi, naiyewo pachake adotorawo zvibodzibodzizvo, kuti kuburikidza noipfa aparadze anosimba roipfa, iye, jabhurosi,15wosunungura ivo vese vadoitiwa varanda kwoupenyu hwese kuburikidza nokucha ipfa.16Nokuti pachokwadi haabatsiri ngirozi asi vana vaAbhurahamu.17Naizvozvo adofanira kuti afanane nohama dzache pazvese, kuitira kuti ave muphirisita mukuru adotendeka uye anomutsa mubasa raMwari, kuti adzikinure zvitema zvovanhu.18Nokuti iye pachake adotambudzika paadoyedzewa, anogona kubatsira vanoyedzewa.
The Word for the World International