VaHebheru3
1Naizvozvo, hama dzitsvene, vanokovana kudaidziwa kwokudenga, fungitsitsai Jesu nhumwa nomuphirisita mukuru watinopupura.2Wanga adotendeka kuno uyo adomugadza, sekutendekawo kudoita Mozisi muimba yaMwari.3Nokuti Jesu anofanira kukudziwa kupinda Mozisi, sekukudziwa kunoitiwa muvakhi woimba kupinda imba yacho.4Nokuti imba imwe noimwe inovakhiwa nomunhu, asi muvakhi wozvinhu zvese ndiMwari.5Zvino Mozisi wanga adotendeka muimba yaMwari semuranda, kuti ave chapupu chozvinhu zvaidzonyairiwa pamasure.6Asi Khirisitu wanga adotendeka pamusoro poimba yaMwari seMwanakomana. Uye tiri imba yache kana tikabatitsitsa kuvimba kwedu nokuzvirumbidza mutariro yedu.7Naizvozvo, sezvinonyaira Mweya Mutsvene achiti,“Nasi kana muchinzva izvi rache,8rekai kuomesa mwoyo yenyu sepanguwa yokupandukapazuva rokuyedzewa musango,9pandidoyedzewa nomadzibaba venyuvadoona mabasa yangu kwomakore makumi manai.10Naizvozvo ndidokaripisiwa norudzi rakarero, ndikati,‘Vanogara vachimbondotaika mumwoyo yavo, havanai kuziva nzira dzangu.’11Ndidopika muukari hwangu, ndikati,‘Havachapinda pazororo rangu!’”12Chenjerai, hama dzangu, kuti mukati moumwe wenyu mureke kuva nomwoyo udoipa usingatende, mutsauke muchibirika kubva kuna Mwari mupenyu.13Asi simbisanai zuva rimwe norimwe, kana kuchiri kunzi “Nasi,” kuti kureke kuva noumwe wenyu anoomesewa mwoyo nokunyengera kwochitema.14Nokuti tinokovana muna Khirisitu, kana tichibatitsitsa mavambo yokutenda kwedu kusvikira pakupedzisira.15Pazvinonyaihwa zvichinzi,“Nasi, kana muchinzva izvi rache,rekai kuomesa mwoyo yenyusepanguwa dzokupanduka.”16Mbanaani vadonzva uye vadomupandukira? Vanga vasiri ivo vese vadobirika muIjipiti pasi poutungamiriri hwaMozisi chere?17Mbanani vadomukaripisa kwomakore makumi manai? Vanga vasiri ivo chere anyakutadza, vano mitumbi idowira musango?18Anga adopika kunaani achiti havapinde pazororo rangu, ndivoba vokutadza kuteerera?19Saka tinoona kuti vanga vasingakwanise kupinda nokuda kwokusatenda kwavo.
The Word for the World International