VaHebheru1

1Kare Mwari adonyaira kumadzibaba yedu nomitoo mizinji uye nonzira dzidowanda kuburikidza novaporofiti,2asi mumazuva yakareyano yokupedzisira adonyaira kwatiri kuburikidza noMwanakomana wache, waadogadza kuva muji wonhaka yozvinhu zvese, waadosikawo naye zvinhu zvese.3Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.
4Mwanakomana adova mukuru zvidonyanya kupinda ngirozi sezvo zita raadogara nhaka ridonaka kukunda mazita yadzene.5Nokuti kungirozi ipi Mwari yaadoti kwairi,“Ndiwe Mwanakomana wangu,nasi ndakuzvara?”Kana kuti pakamu,“Ndichava Baba vache,uye iye achava Mwanakomana wangu?”
6Pakamu, paanouyisa dangwe rache munyika, anoti,“Ngirozi dzese dzaMwari mbadzimunamate.”
7Kungirozi anoti,“Anoita kuti ngirozi dzache dzive mhepo,novaranda vache kuti vave marimi yomoto.”
8Asi pamusoro poMwanakomana anoti,“Mupando wenyu woushe, imi Mwari, uripo nokusingaperepere!Tsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwenyu.9Mudoda kururama mudovenga kusayamutemo.Nokudaro Mwari, iye Mwari wenyuadokuzodzai nomapfuta yomufarokupinda shamwari dzenyu.”
10Uye,“Imipa, Ishe, mudoteya nheyo dzonyika pakuthanga,uye matenga ibasa romanja yenyu,11iyo yachaparara, asi imipa mucharamba muripo,iyo yese yachasakara kunge biza.12Muchayapeta kunge jasi,uye kunge biza yachasanduhwa.Asi imipa munoramba mudodaro,nomakore yenyu hayapere.”
13Adombonyaira kuno ngirozi ipi achiti,“Garikika kujanja rangu rokurujikusvikira ndaita vavengi vakochitsiko chotsoka dzako?”
14Ko ngirozi dzese mweyaba nai inoshumira idotumiwa kuti ishumire, avo vachagara nhaka yoruponiso?

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014