Tito3

1Ufungise vatendi kuti vazviise pasi povatongi novanomasimba, kuti vateerere, vadozvigadzirira kushanda mabasa yese yadonaka,2vareke kunyaira zvidoipa pamusoro poumwe munhu, vareke kupopotedzana, kuti vave vanyoro, futi kuti varatidze rukudzo kuvanhu vese.3Nokuti isisu pachedu kare taiva madzemwa, tisingateerere, tichitsambutsiwa, tiri varanda vokuchiva kuzinji nozvinofadza, tichipedzera mazuva yedu pakuva nongetani nokuitirana chanje, tichizondewa novanhu futi tichizondana.4Asi padooneka kunaka nounyoro hwaMwari Muponisi wedu,5adotiponesa aikona nokuda kwomabasa yadonaka yatidoita, asi nokuda kwomutsa wache adotiponesa nonzira yokushambidza kwokuzvahwa patsva nokuvandudziwa naMweya Mutsvene,6waadodurura achiwanza patiri kuburikidza naJesu Khirisitu Muponisi wedu,7kuti musure mokururamisiwa nomutsa wache tiitiwe vaji vonhaka maererano notariro youpenyu husingapere.8Kunyaira kwakareku nghokwochokwadi.
Ndinoda kuti iwepa usimbise zvinhu zvakarezvi, kuitira kuti avo vadotenda muna Mwari vachenjere kuva vanoita mabasa yadonaka, zvakarezvi zvidonakitsa futi zvinobatsira vanhu.
9Asi nzvenga mibvunzo youdzemwa, mazita yomadziteteguru, nharo, nonharo pamusoro pomutemo, nokuti zvinobatsiraba futi hazvinai maturo.10Asi kumunhu anopesanisa, ukamudzuma kabodzi kana kairi, musiirefuti,11uchiziva kuti munhu adodaro watsambuka futi mutadzi iyeyo, wazvitongera mhosva wega.
12Pandinotuma Atemasi kana Tikikasi kwauri, edza nopaunogona napo pese kuuya kwandiri kuNikopori, nokuti ndasarudza kuva kwakareku panguwa yomhepo.13Ita zvese zvaunokona nokukurumidza kubatsira Zenasi gweta naAporo pahwendo hwavo, uone kuti vanozvese zvavanoda.14Futi vanhu vedu mbavadzidzewo kuramba vachiita mabasa yadonaka, kuitira kuti vabatsire kupasa zvinhu zvinenge zvichidiwa kamangu, futi voreka kuva vasinai zvibereko.
15Vese vandinavo vari kukumoresa. Ndimoresereiwo avo vanotida pakutenda.
Mutsa mbauve nemi mese.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014