Tito2
1Asi kana uri iwewe, dzidzisa zvinoenderana nodzidziso idorurama.2Raira varume vakuru kuti vave vadosvinuka, vanoremekedzeka, vanozvidzora, vadorurama pakutenda, parudo, nopakutsungirira.3Nonzira ibodzi bodziyo dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nounhu hunoremekedzeka, vareke kuva nomakuhwa kana kuva varanda vokumwa. Vanofanira kudzidzisa zvidonaka,4kuti vadzidzise vakadzi vochidiki kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo,5kuti vave vanozvidzora, vadochena, vanochengeta imba, vanotsitsi, vanozviisa pasi povarume vavo, kuti shoko raMwari rireke kushorewa.6Nonzira ibodzibodziyo kurudzira varume vechidiki kuti vave vanozvibata.7Pazvinhu zvese iwepa pachako unofanira kuvanangidza muenzaniso udonaka pamaitiro yadonaka, futi nangidza kutendeka pakudzidzisa, iva nomugariro unoremekedzeka,8nokunyaira kudorurama, kusingashoreke, kuitira kuti anopikisana naisisu anyadzisiwe, asaye chinhu chidoipa chokunyaira pamusoro pedu.9Raira varanda kuti vazviise pasi paatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvese vasingaite nharo,10kana kuvabira, asi vanangidze kutendeka kudonaka kudozara, kuti pazvinhu zvese dzidziso yaMwari Muponisi wedu iyemurike.11Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa,12unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi,13tidomirira tariro idoropafadziwa, yokuoneka kwokubhwinya kwaMwari wedu mukuru naMuponisi Jesu Khirisitu,14iye adozvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pazvidoipa zvese kuti azvinatsire vanhu vache chaivo, vanoshingairira mabasa yadonaka.15Nyaira zvinhu zvakarezvi, kurudzira nokutsiura nosimba rese. Mbakureke kuva nomunhu anokuzvidza.
The Word for the World International