Firimoni1

1Phauro, musungwa nokuda kwaKhirisitu Jesu, naTimoti hama yedu,
Kuna Firimoni mudikani wedu watinoshanda naye
2naAfiya hanzvadzi yedu nokunaAkipasi muhwi pabodzi naisisu, nokukherekhe iri mumba mako.
3Mutsa norunyararo zvinobva kunaMwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu.
4Ndinotenda Mwari wangu nguwa dzese pandinokurangarira muminamato yangu,5ndava ndinonzva zvorudo rako nozvokutenda kwaunako muna Ishe Jesu nokuvatsvene vese,6uye ndinonamata kuti kukovera kwako kutenda kusumudzire kuzikana kwozvidonaka zvese zvinova zvedu muna Khirisitu.7Nokuti ndidowana mufaro mukuru nokunyaradziwa kubva parudo rako, hama yangu, ndava mwoyo yovatsvene idovandudziwa nokuda kwako.
8Zvidondodaro, kunyange ndinochivindi muna Khirisitu chokukuraira kuti uite zvinodiwa,9asi nondava yokuti ndinokuda ndinotoita zvokukukumbira inipano Phauro, mumiririri pakare musungwa iyezvino nokuda kwaKhirisitu Jesu.10Ndinokumbira kwauri nokuda kwomwana wangu, Onesimasi, wandidova baba vache muusungwa hwangu,11kare wanga asingakubatsire, asi iyezvino anobatsira tese iwewe nainini.
12Ndiri kumutumira kuti adzoke futi kwauri, kunge ndiri kutumira mwoyo wangu chaiwo.13Ndaiditsa chaizvo kuti agare neni, kuti andishumire panzvimbo yako pakusungiwa kwangu nokuda kwovhangeri,14asi ndanga ndisingade kuita chinhu iwewe usinati wachitendera, kuitira kuti zvidonaka zvaungaite zvireke kuitiwa nokusukumidziwa asi nokuda kwako.
15Nokuti pamwe udoparadzanisiwa naye kwokanguwa kadiki kuti udzova naye pakamu nokusingapere,16asisiri muranda, asi wava muranda ari nani, hama inodiwa, kunyanya kwandiri nokwauri munyama nomuna Ishe.
17Saka kana uchinditora semubiyako, mutambire kunge kutambira kwaunondiita inini.18Kana zviripo zvaadokutadzira kunyange anochikwerete newe, mbachive changu.19Inini, Phauro, ndinonyora zvakarezvi nojanja rangu, ndichazviripa, ndisingataure kuti unochikwerete kwandiri iwewe pachako.20Ehe, hama, ndinoda kuwana chinobatsira kubva kwauri muna Ishe. Mutsiridza mwoyo wangu muna Khirisitu.
21Mukugutsikana nokutetekera kwako, ndinokunyorera, ndichiziva kuti uchaita zvidopindiridza kukunda zvandinonyaira.22Panguwa ibodzibodziyo, ndigadzirire kamuri yovarendo, ndava ndiri kutarisira kuburikidza nominamato yenyu kuperekewa kwamuri.
23Epafurasi musungwa pabodzi naini nokuda kwaKhirisitu ari kukumoresa,24naMariko, naArisitako, naDhimasi naRuka, vashandi biyangu.
25Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbauve nomweya wenyu.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014