Tito1
1Kubva kuna Phauro, mushandi waMwari noNhumwa yaJesu Khirisitu, yokuingidzira kutenda kwovadosarudziwa naMwari nokuziva kwavo chokwadi chinoenderana nokucha Mwari,2mutariro youpenyu husingapere, hudovimbisiwa naMwari asinganyepe nguwa isinati yavapo,3futi panguwa idofanira zvidonangidziwa mushoko rache kuburikidza nokuparidza kwandidovimbiwa nako nokuraira kwaMwari Muponisi wedu.4Kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tese.
Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKhirisitu Jesu Muponisi wedu mbazvive kwauri.5Ndosaka ndidokusiya paKhireti kuti upedzise kugadzira zvidosara, nokugadza vakuru vokherekhe muguta rimwe norimwe sekukuraira kwandidokuita,6mutariri wokherekhe anofanira kuva munhu asinai chaanonenedzehwa, murume womukadzi mubodzi, anovana vanotenda vasingapasiwe mhosva yokusazvidzora kana kuti vanoteereraba.7Nokuti mutariri wobasa raMwari anofanira kuva munhu asinai chinhu chaanonenedzehwa, anofanira kuva asinai nharo kana anokurumidza kugumbuka kana anokorewa kana anoita botso kana anonhafu yomari,8asi anobata varendo zvidonaka, anoda zvidonaka, anozvibata, adorurama, mutsvene, futi anozvidzora,9anofanira kubatitsitsa shoko rochokwadi ridovimbika sezvarinodzidzisiwa, kuitira kuti agone kuraira vamwe nodzidziso idorurama, nokugona kukohorora vanoipikisa.10Nokuti varipo vadowanda vasingateerere, vanotaura zvisinai maturo novanyengedzi, kunyanya vaye voboka rovadochecheudziwa,11vanofanira kuvhariwa miromo yavo, nokuti vari kugumbura mhuri dzidowanda nokudzidzisa zvavasingafanire asi vanozviitira kuwana pfuma nokusatendeka.12Umwe muporofiti wavo, adoti, “VaKhirete vanogara vachinyepa, vanenge zvirombo zvidoipa, vanonungo vanonhafu.”13Kunyaira kwakareku ngwochokwadi. Naizvozvo uvadzume zvidosimba kuti vave vadorurama pakutenda,14pachinzvimbo chokutetekera kuzvinzano zvochiJudha kana kumirairo yovanhu vanoramba chokwadi.15Kuno vadochena zvese zvidochena, asi kuno vadoora vasingatende, hakunai chinhu chidochena, asi mifungo yavo nohana dzavo zvidoodzewa.16Vanoti tinoziva Mwari, asi vanomuramba nozviito zvavo, mbaye vasingadike, vasingateerere, vasinai kukodzera kuita basa ripi zvarene ridonaka.

The Word for the World International