2 Timoti4
1Ndinokuraira pamberi paMwari naKhirisitu Jesu achatonga vapuma novadopfa, pakuoneka kwache noumambo hwache,2paridza shoko, gara udogadzirira panguwa idofanira noisinai kufanira, kohorora, tsiura, uye kurudzira, nomwoyo murefu mukuru nokunatsa kudzidzisa.3Ndava nguwa ichasvika vanhu pavacharamba dzidziso idonaka, asi nondava yonzeve dzinonyeredzera kunzva zvavanoda vachazviunganidzira vadzidzisi vanonyaira zvinoda kunzviwa nonzeve dzavo.4Vachasiya kutetekera chokwadi votaika vachitetekera zvinzano.5Asi iwewe, ramba udodiha, shingirira pakutambudzika, ita basa romuvhangeri, zazisa ushumiri hwako.6Ndava ndagadzirira kuduruhwa fanike chipiriso chokumwa, futi nguwa yangu yokuenda yasvika.7Ndahwa kuhwa kudonaka, ndapedza mujaho wangu, ndachengeta kutenda.8Zvino ndidochengetehwa korona yokururama, yandichapfupihwa paZuva rakarero naIshe, Mutongi adorurama, aikona kwandiri basi, asi kuno vese vanosuva kuoneka kwache.9Ita paunogona napo kuuya kuno nokamangu,10nokuti Dhemasi nokuda nyika yazvino, adondisiya, achienda kuThesaronika. Khiresenzi adoenda kuGaratiya, naTito adoenda kuDharomatiya.11Ruka ndiye wandinaye basi. Tora Mariko uuye naye, ndava anondibatsira zvidonyanya paushumira.12Ndidotuma Tikikasi kuEfeso.13Kana waakuuya ndivikhire jasi randidosiya rina Kapasi kuTiroasi, uuye nomagwaro pakare, kunyanyitsa yaye yokunhadzihwa nomatehwe.14Arekizanda, uye wokupfura ndarira adondibata uyanga zvidoipitsa, Ishe achamutsiidza panozvaadoita.15Naiwepa ugare udomuchenjerera, nokuti anoshora shoko redu zvidokungudza.16Pandidothanga kuzvidziirira hapanai adondiretserera, asi vese vadonditiza. Dai vareka kupasiwa mhosva nondava iyoyo.17Asi Ishe adomira nainini, kuti kuburikidza nainini shoko riparidziwe zvidozara kuti voyamwe marudzi varinzve. Futi ndidonunuhwa kubva mukamwa momhondoro.18Ishe achandipukunyutsa kubva kuno zvidoipa zvese wondiponesa kuti andisvitse muumambo hwache hwokudenga. Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.19Ndinotumira kwaziso yangu kuna Pirisira naAkwira nokumhuri yaOnesiforasi.20Erasitasi adosara kuKorinde, futi ndidosiya Tirofimasi achihwara kuMiretasi.21Ita nopaunogona napo kuuya kuno kamangu nguwa yomhepo isati yasvika.
Yubhurasi, Pudhenzi, Rinasi naKiraudhiya novamwe maKhirisitu vese vari kukumoresai.22Ishe mbaave nomweya wako.
Mutsa mbauve nemi mese.
Yubhurasi, Pudhenzi, Rinasi naKiraudhiya novamwe maKhirisitu vese vari kukumoresai.22Ishe mbaave nomweya wako.
Mutsa mbauve nemi mese.
The Word for the World International