VaRoma10

1Hama dzangu muditsitsiro wandinoita vanhu vokwangu ivo vaIzirairi kuti vaponesewe, ndinotovanamatira kuna Mwari.2Ndava ndinovapfakazira kuti vanoshungu dzokushandira Mwari, asi shungu dzavo hadzibve paruzivo.3Nondava yokusaziva kururama kwaMwari, vadobva vazvitsvagira kururama kwavo, ndokutadza kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.4Ndava Khirisitu ndiye kugon’a kwomutemo kuitira kuti pave nokururamisiwa kwovese vanotenda.
5Mozisi adonyora zvonzira yokururamisiwa kunoitiwa nomutemo, “Munhu anoita zvinhu zvakarezvi achararama nazvo.”6Asi kururama kudotsamira pakutenda kunoti, Reka kumboti mumwoyo mako, “Mbani achakwira kudzuru?” (Ndiko kuti atiburutsire Khirisitu).7Kana kuti, “Mbani achaburukira kugwiri?” (Ndiko kuti atibiritsire Khirisitu kubva kuvadopfa).8Asi kunoti chii? Shoko riri papfupi naiwewe, riri pamuromo pakopo nomumwoyo mako (ndiro shoko rokutenda ratinoparidza).9Nokuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe pakare uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, uchaponesewa.10Ndava unotenda nomwoyo ndokuti ururamisiwe, pakare unopupura nomuromo wako woponesewa.11Rugwaro rinoti, “Hapanai anotenda maari anodzonyadzisiwa.”12Ndava hapanai musiyano pakati pomuJudha nowodzimwe Ndudzi, Ishe mubodziyo ndiye Ishe wavo vese, anopasa pfuma yache vese vanodaidza kwaari.13Ndava, “wese anodaidza zita raIshe anochidziwa.”
14Anga zvino vanodaidza tini kuna iye wavasinai kutenda kwaari? Pakare vangatende tini muna iye wavasinai kunzva? Ko iko kunzvako vanonzva tini pasinai wavaparidzira?15Anga vangaparidze tini pasinai wavatuma? Sekunyohwa kwazvidoitiwa, “Manakiroba peno yadzene tsoka dzinouya nonyaya dzidonaka!”16Manje havazi vese peno vadotambira nyaya dzidonaka. Ndava Isaya anoti, “Ishe mbani adotenda zvaadonzva kwatiri?”17Sezvo kutenda kuchiuya nokunzva, nokunzva kunouya nokuparidziwa kwaKhirisitu.
18Manje ndinobvunza: Vadonzvaba chere? Vadonzva, hinde:“Mazvi yavo yadosvika pasi pese,Nomashoko yavo yadonzvika kumugumo wonyika.”
19Ndinobvunza kamu: Ko vaIzirairi vadonzvitsitsaba? Kuthanga Mozisi anoti,“Ndichakunzvisai chanjenovasiri rudzi,Ndichakunzvisai ukarinorudzi rusinganzvitsitse.”
20Pakare Isaya anoshinga kuti,“Ndidowaniwa novasinai kunditsvaga,Ndidozvinangidza kuno vanga vasingandibvunze.”
21Asi pamusoro povaIzirairi anoti, “Ndidosvera zuva rese ndidotambanudza manja yangu kuvanhu vasingateerere novanopikisa.”

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014