VaRoma9

Mwari noVanhu Vache

1Ndinonyaira chokwadi muna Khirisitu, ndinobhwodokaba, nohana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene,2ndinokusuwa kukurufuti uye kunetseka mumwoyo mangu hakupere.3Ndava ndingatoda zvangu kuti inipanoni ndive adoshurikidziwa uye kuti ndibisiwe pana Khirisitu nokuda kwohama dzangu panyama.4Ivo vaIzirairi vaadoita vana vache, kuvapinza muzvitenderano, achivanangidza kubhwinya kwache, nokuvapasa mutemo, ndivo vanonamata muimba yaMwari, pakare zvivimbiso zvaMwari ndivo vadozvipasiwa,5ndivo nzvahwa dzomadziteteguru yochiHebheru yanozikana, uye panyama Khirisitu adobva mavari, anova ndiye Mwari ari pamusoro pozvese, anokudziwe nokusingapere! Ameni.
6Izvi zvinorevaba kuti shoko raMwari ridokundikana. Ndava havasi vese vadozvahwa naIzirairi vari maIzirairi.7Kana vadozvahwa naAbhurahamu, mbanaba vache vese, asi “Vana vako vachaverengewa pana Isaki.”8Nokumwe kutaura, mbanaba vopanyama vanova vana vaMwari, asi vana vochivimbiso ndivo vanotohwa sevana vaAbhurahamu.9Ndava aya ndomataurihwo yoshoko rochivimbiso, “Panguwa idotahwa ndichadzoka, Ipopo Sara achava nomwana womukomana.”10Ndizvoba zvega, asi novana vaRabheka kana zvache adoita vana nomurume mubodzi, ivo baba vedu Isaki,11mamhasa yasati yazvahwa futi vasati vaita chinhu chidonaka kana chidonyangara kuitira kuti chinangwa chaMwari chokusarura chimire,12aikona nomabasa asi naiye anodaidza, amai vavo vadoudziwa kuti, “Mukuru achashandira mudiki.”13Semanyorehwo yazvidoitiwa, “Jakobho ndidomuda, asi Isau ndidomuzonda.”
14Ipopo tinoti chii napo? Ko Mwari anoenzanisaba nai? Neye, ndizvo rini!15Ndava kuna Mozisi anoti, “Ndichanzvira mutsa wandinenge ndanzvira mutsa, ndichaitira ngoni wandinenge ndanzvira ngoni.”16Saka hazvinei nozvinodiwa nomunhu kana novavariro yache asi pamutsa waMwari.17Ndava pamusoro paFarao, Gwaro rinoti, “Ndidokugadza nochinangwa chakarechi, kuti mauri masimba yangu yaisiwe pachenu, nombiri yangu irehwe pasi pese.”18Saka Mwari anoitira mutsa munhu waada kuitira mutsa, achipasa kuoma mwoyo waada kuti awome mwoyo.

Ukari noTsitsi dzaMwari

19Umwe angati kwandiri, “Manje indava yei achidzoona mhosva? Pano anodzivisa zvaanoda chere?”20Asi iwepa munhu ndiwe yani kuti uite mhoka naMwari daipo? Anga chiumbwa chingati kumuumbi wachene, “Udondiumbirei daipano?”21Ko Muumbi wohari haanai nai kodzero yokuumba noivhu ribodzi bodziro mudziyo unokudziwa nousingakudziwe?
22Ko kana Mwari, adoda kunangidza ukari hwache nokuita kuti masimba yache yazikane, nokunyanya kuitira mwoyo murefu midziyo yaadomwamwira yacho iyo idoitihwa kuparadziwa.23Kuitira kuti azivise pfuma yokubhwinya kwache kumidziyo yaadoitira mutsa, yaadogara wanhadzirira kare kubhwinya,24iyesu vaadodaidza, aikona kubva kuvaJudha basi asiwo kubva kuno vodzimwe Ndudzi?25Iyoyo ndomwenze manyairiro yanoitiwa naHosiya:“Ivo vaye vanga vasiri vanhu vangu ndichavadaidza kuti ‘mbanhu vangu,’naiye wanga asiri mudikani wangu ndichamuti ‘mudikani.’”26“Pakare zvichaitika kuti panzvimbo yakareyo pavaiitiwa, ‘Ndimiba vanhu vangu,’vachadaidziwa kuti mbanakomana vaMwari mupenyu.”
27Pamusoro paIzirairi Isaya adosheedzera achiti: Kana nepo kuwanda kwaIzirairi kuchiita kunge jecha romunyasi mogungwa, vadosara basi ndivo vachaponesewa.28Ndava Ishe vachaita nokamangu zvavadoreva panyika nokuzvigumisa zvidozara.”29Isaya adogara wanyaira zvibodzi bodzizvo paadoti, “Dai Mwari asinai kutisiira dzimwe nzvahwa, dai tidoita kunge Sodhoma, futi dai tidofanana noGomora.”

vaIzirairi noVhangeri

30Toti chii manje? Kuti vodzimwe Ndudzi vasinai kana nopavadotsvaga kururama, ndivo vadodzokutambira iko kururama kunouya nokutenda,31asi vaIzirairi vadotevera kururama kunouya nomutemo ndivo vadokusaya.32Sei? Ndava mutemoyo vadouteveraba nokutenda, asi vadouita kunge womabasa. Vadobva vaguhuniwa “noribhwe rinoguhuna.”33Semanyorehwo yazvidoitiwa kuti,“Nangara, ndiri kuisa muZioni ribwerichaita kuti vanhu vaguhuniwe,dombo richavambwedza.Nouyo anotenda maari haanyadzisiwe.”

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014