Zvidozuruhwa17

1Ipopo imwe yongirozi dzinomwe dzanga dzinombiya dzinomwe idouya kwandiri ichiti, “Uya ndikunangidze kutongewa kwohure rikuru rinogara pamusoro pomvura izinji,2madzimambo yonyika yadoita upombwe naro, novanogara panyika vadokorewa nowaini youhure hwarene.”
3Ipopo adondiendesa kusango ndiri muMweya, ndidoona mukadzi adogadha chirombo chitsvuku changa chidozara nomazita yokushora Mwari, changa chinomisoro minomwe nomanyanga gumi.4Mukadzi wanga adosimira hembe itsvuku noishava, adoshonga ndarama nozvinokosha nochuma, wanga adobata mujanja rache komichi yondarama yanga idozara nozvinonyangadza notsambwa youhure hwache,5Pahuma yache panga padonyorewa zita ridosvisvika rokuti, “Bhabhironi guta rikuru, amai vomahure novozvinonyangadza zvonyika.”6Ipopo ndidoona mukadzi adokorewa nogazi rovatsvene uye nogazi ropfakazi dzidobaiwa nokuda kwaJesu.
Pandidomuona ndidoshamisika maninge.
7Asi ngirozi idoti kwandiri, “Washamisiwa neiko? Ndichakunyepa zvidosvisvika zvomukadzi wakareyu, nozvochirombo chinomutakura chomisoro minomwe nomanyanga gumi.8Chirombo chawaona changa chiripo, uye hachichipo futi chaakukwira kubva mugomba risingagon'e kuti chiende koparadziwa, vanogara panyika vasinai kunyorewa mazita yavo mubhuku roupenyu kubva pamavambo yonyika, vachashamisika vachiona kuti chirombo changa chiripo hachichipo uye chichadzouya.
9Zvakarezvi zvinoda pfungwa dzinouchenjeri. Misoro minomwe ndiyo makomo manomwe, padogara mukadzi,10ndiyowo madzimambo manomwe, vashano vadowa, mubodzi aripo, umwe anati wauya, kana wauya anofanira kugara kwokanguwa kapfupipfupi.11Chirombo changa chiripo, hachichipo, ndiye wochisere asi ari mukati movanomwe, anoenda koparadziwa.
12Manyanga gumi yawaona ndiyo madzimambo gumi yasati yapasiwa ushe, asi vachapasiwa simba semadzimambo pabodzi nochirombo panguwa ibodzi.13Vakareva vanomufungo mubodzi vanopasa simba ravo noushe hwavo kuchirombo.14Vachahwisana noHwayana, Hwayana richavakunda, nokuti iro ndiShe womadzishe namambo womadzimambo, naivo vanoHwayana vadodaidziwa, vadosaruhwa futi vadotendeka.”
15Zvino adoti kwandiri, “Mvura idowanda yawaona, panogara hure, ndivo vanhu, nogurusvusvu, nonyika dzopasi pese, nomitauro.16Manyanga gumi yawaona, iyoya pabodzi nochirombo zvichatsvatsvana nohure. Vacharisunhura nokuribaya, nokuja nyama yarene nokuripisa nomoto,17nokuti Mwari adoisa mumwoyo yavo kuti vaite chinangwa chache, chokuti vave nopfungwa ibodzi. Kuti vapase ushe hwavo nosimba ravo kuchirombo, kusvikira mashoko yaMwari yazazisiwa.
18Mukadzi wawaona ndiro guta rikuru rinobata ushe pamusoro pomadzimambo yopanyika.”

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014