Zvidozuruhwa16

1Zvino ndidonzva izvi rinoruzha richibva muimba yaMwari richiti kungirozi dzinomwe, “Endai kodurura mbiya dzinomwe dzoukari hwaMwari panyika.”
2Nokudaro ngirozi yokuthanga idoenda ndokudurura mbiya yayene panyika, zvironda zvidoipa zvinodzimba zvidouya pavanhu vanga vanochiratidzo chochirombo novainamata mufananidzo wachene.
3Ngirozi yochipiri idodurura mbiya yayene mugungwa, ridosanduka rikaita kunge gazi romunhu adopfa, futi zvipenyu zvese zvanga zviri mugungwa zvidopfa.
4Ngirozi yochitatu idodurura mbiya yayene muhwizi nomutusipiti tomvura, mvura ndokusanduka kuva gazi.5Ipopo ndidonzva ngirozi yomvura ichiti, “Imipa mudorurama Mutsvene, mumatongero yenyu yakareya, manga muripo uye muripo.6Ndava vadodeura gazi rovatsvene novaporofiti, uye mudovapasa gazi kuti vamwe. Ndiwo mubairo wavo!”7Ndidonzva atari ichiti, “Ehe, Ishe Mwari woMasimba yese, kutonga kwenyu ndokwochokwadi kudorurama!”
8Ngirozi yochinai idodurura mbiya yayene pamusoro pozuva, zuva ndokupasiwa mvumo yokutsvonda vanhu nomoto.9Vanhu vadotsvondewa nokutsvondewa kunochisa, vadobva vatukana zita raMwari anomasimba pamusoro pomatambudziko yakareya, havanai kupinduka nokumurumbidza.
10Ngirozi yochishano idodurura mbiya yayene pamusoro pomupando woushe hwochirombo, noumambo hwachene hudova murima, vanhu vadotsenga zvirimi zvavo nokudzimbiwa,11uye vadotukana Mwari wokudenga pamusoro pokuhwadziwa nozvironda zvavo, havanai kupinduka kubva pamabasa yavo.
12Ngirozi yochitanhatu idodurura mbiya yayene pamusoro pohwizi rikuru rinonzi Yufuretisi, mvura yarene idobva yapwa, kugadzirira nzira madzimambo yokumabvazuva.13Ipopo ndidoona mweya youtsambwa mitatu inenge mazura ichibirika mumuromo wotsato nomumuromo wochirombo nomumuromo womuporofiti womabhwodo.14Ndava ndiyo mweya yomashave, inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo yonyika yese, kuvaunganidzira hondo pazuva rikuru raMwari Womasimba yese.
15“Ndiri kuuya kunge mbavha! Adokomborehwa anoramba adopenya achichengeta hembe dzache, kuti areke kudzotekaira ari pedzi achionehwa!”
16Mashaveyo yadovaunganidza panzvimbo inonzi nochiHebheru Amagedhoni.
17Ngirozi yochinomwe idodurura mbiya yayene mudenga, izvi rinoruzha ridobirika muimba yaMwari, richibva pamupando woushe, richiti, “Zvapera!”18Pakarepo padova nokupenya kwokambarivari, nomazvi nokudhirima, nokugwetedzeka kukuru kwonyika kwanga kusinati kwaitika kubva padosikiwa vanhu, kwanga kudokuritsa kugwetedzeka kwakareko.19Guta rikuru ridokamuriwa ndokuita zvikamu zvitatu, uye maguta yomarudzi yadokoromoka, ipopo Mwari adoyeuka guta rikuru roBhabhironi kuti ripasiwe mukombe woukari hwache.20Zvitsuwa zvese zvidotiza, nomakomo hayanai kuwanika.21Chimvuramabhwe chikuru, chidobva kudenga ndokuwira pamusoro povanhu, kurema koribhwe rimwe norimwe kwanga kudoita kunge makhirogiramu makumi mashano, kusvikira vanhu vatukana Mwari nokuda kodambudziko rochimvuramabwe, nokuti ranga richichisa dambudziko rakarero.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014