Zvidozuruhwa18
1Mumasure mozvakarezvi ndidoona imwe ngirozi ichiuya kubva kudenga. Yanga inomasimba makuru, uye nyika idovhenekehwa nokubhwinya kwayene.2Idodaidzira noizvi rinoruzha ichiti, “Rawa! Rawa Bhabhironi guta rikuru! Rava nzvimbo inogara mashave nomweya yese yotsambwa, inogahwa notushiri twese totsambwa tunosemesa.3Nokuti nyika dzese dzopasi dzidomwa waini yozvido zvidoipa zvokusaya kuzvibata kwarene. Madzimambo yopasi pese yadoita upombwe naro, novanotengesa vopasi pese vadopfuma nokusazvidzora kwarene.”4Pakarepo ndidonzva rimwe izvi ridobva kudenga richiti,“Vanhu vangu, birikai mariri,kuti mureke kuwadzana naro pazvitema zvarene,kuti mureke kudzopasiwawo matambudziko yarene,5nokuti zvitema zvarene zvaita muhwi unosvika kudenga,uye Mwari vayeuka kuipa kwarene.6Muritsiidze zvaridokuitirai,uye riitirei zvidopetewa kairi nokuda kwomabasa yarene,ridirirei kairi mumudziyo wakareyowaridodira iro.7Paridozvikudza nokuzvifadza napo,rihwadzisei nokurichemedza.Nokuda kwokuti rinoti mumwoyo marene,‘Ndiri mambokadzi ndinogara pamupando,handizi chirikadzi,ndinosvikaba pakudzorira.’8Saka matambudziko yarene yachasvika nozuva ribodzi,uhwere nokurira nonzara,richapisiwa nomoto,nokuti Ishe Mwari anoritonga anomasimba.”9Zvino madzimambo yonyika yadoita upombwe nokuzvifadza naro, vacharira nokuita maundu pamusoro parene pavanoona utsi hwokutsva kwarene.10Vachamira kurefurefu, vachicha kudzimbiwa kwarene, vachiti, “Nhamu! Nhamu! Iwepa guta rikuru, iwepa guta ridosimba, Bhabhironi! Munguwa ibodzi kutongewa kwako kwasvika.”11Novanotengesa vomunyika vanorira nokuita maundu pamusoro parene, nokuti hapachinai munhu anotenga zvinhu zvavo,12zvinhu zvondarama, nozvosirivha, nozvomabhwe yanokosha, nochuma chinodhura, nomapiza yadonakitsa, nomashava, nomatsvuku, noyanotsvedemukira, nomatanda yese yanonuhwirira, nomidziyo yese yonyanga dzonzou, nomarudzi yese yomidziyo yomatanda yanodhura, ndarira, dare, nomabhwe machena,13nozvidosiyanasiyana zvinorungisiwa zvokuja, notwiro, nozvinonushira, nomura, nozvizoro, nowaini, nomapfuta yomuorivhi, noupfu hudotsetsa hwogorosi, nogorosi, mombe nomahwai, nomabhiza nongoro, novaranda inova mweya yovanhu.14Vachati, “Muchero wanga uchidiwa nomweya wako wabiritsiwa kwauri, nozvinhu zvese zvidonaka nozvinoyetimayetima zvakuperera, zvichawanikaba pakamu!”15Vanotengesa zvinhu zvakarezvi, vanga vapfumisiwa naro, vachamira kurefurefu, vachicha kuhwadziwa kwarene, vachirira nokuita maundu,16Vachiti, “Nhamu, nhamu, kuguta rikuru ranga ridosimira biza ridonaka, ridotsvuka norishava, ranga ridosimira ndarama, nomabhwe yanokosha, nochuma chinodhura!17Nokuti nonguwa ibodzi upfumi hwakarehu hwese hwapamwara.”
Zvino vachairi vozvikepe vese novese vanofamba mumvura, novanofambisa tumwadiya, novanoita mishando mugungwa, vadomira kurefurefu,18Pavadoona utsi hwokutsva kwarene, vadoshamisika ndokudaidzira vachiti, “Ndipi guta ridofanana noguta rakareri rikuru?”19Ipopo vadozvidira maivhu pamisoro yavo, pavaidaidzira nokuita maundu vachiti, “Nhamu, nhamu, kuguta rikuru paipfumira vese vanga vanozvikepe zvavo mugungwa kuburikidza noupfumi hwarene! Nokuti nonguwa ibodzi ridoparadziwa!”20Fara pamusoro parene, iwe denga, naimipa vatsvene nonhumwa novaporofiti, nokuti Mwari adoritonga nomutongo waridokutongai nawo!21Pakarepo imwe ngirozi inosimba idosumudza ribwe rikuru rinenge guyo ndokurikhandira mugungwa, ichiti, “Ndizvo zvichaitiwa Bhabhironi guta rikuru richaphomorehwa pasi nosimba, haridzowanika pakamu.”22Zvino kuungira kwovanoridza marimba, nomazvi yovanoimba novanoridza pito, novanoridza tsuri, havachadzonzvika pakare mauri, namasiri wobasa ripi noripi zvarene haachadzowanika mauri pakare, nokuunga kwoguyo hakuchanzvika mauri pakamu,23nochiedza chomwenje hachichadzovheneka mauri pakare, noizvi romukowasha kana romuroora hazvichanzvika mauri, nokuti vatengesi vako vanga vari vakuru vomunyika, marudzi yese yadofurihwa nouroi hwako!”24Mukati marene mudowanika gazi rovaporofiti norovatsvene, norovese vadobaiwa panyika.

The Word for the World International