VaFiripi4
1Naizvozvo hama dzangu, vandinoda novandinosuva, mufaro wangu nokorona yangu, mirai mudosimba muna Ishe ndonzira yamunofanira kumira nayo, vadikani vangu.2Ndinokumbira zvikuru Yudhiya naSindike kuti vawirirane muna Ishe.3Naiwepawo pakare, shamwari yangu yochokwadi pabasa, ndinokumbira kuti ubatsire vanhukadzi vakareva, nokuti vadoshanda neni muvhangeri, pabodzi naKeremenzi novese vandidoshanda navo, mazita yavo yari mubhuku roupenyu.4Farai muna Ishe nguwa dzese, ndichaingidza pakamu, Farai.5Unyoro hwenyu mbahuzikane novanhu vese. Ishe wava papfupi.6Rekai kunetseka pamusoro pochinhu kana nochibodzi zvachene, asi pazvinhu zvese kukumbira kwenyu mbakuzivisiwe Mwari kuburikidza nomunyengetero, nokukumbira, pabodzi nokupasa kutenda.7Zvino rugare raMwari, rinokunda kunzvitsitsa kwese, richachengeta mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Khirisitu Jesu.8Pakupedzisira, hama dzangu, zvese zvochokwadi, nozvese zvinokudziwa, zvese zvidorurama, zvese zvidochena, chese chidonaka, zvese zvinorumbidziwa, kana panokunaka kana kurumbidziwa kupi nokupi, fungitsitsai zvinhu zvakarezvi.9Zvese zvamudodzidza nozvamudotambira nozvamudonzva nozvamudoona mandiri, itai zvakarezvo, ipopo Mwari worugare achava nemi.10Ndinofara maninge muna Ishe kuti iyezvino mamutsiridza hanya yenyu neni, manga munohanya chaizvo neni, asi mudosaya mukana wokuzvinangidza.11Ndinorevaba zvakarezvi nokuda kwokuti ndinosaya, nokuti inipano ndidodzidza, panozvese kugutsikana nozvandinazvo.12Ndinoziva urombo, futi ndinozivawo kuva nozvidowanda; pachinhu chipi nochipi nopazvinhu zvese ndidodzidza chidosvisvika chokuziva kuguta nokunzva nzara, kuva nozvidowanda nokusaya.13Ndinoita zvese kuburikidza naiye anondipasa simba.14Kunyange zvidodaro mudoita zvidonaka kukovana nainini pamatambudziko yangu.15Uye imipa vaFiripi pachenyu munoziva kuti pandidothanga kuparidza kuMakedhoniya, hapanai kherekhe idobatirana nainini mukupa nokutambira kunze kwenyu imipa basi,16nokuti nopandanga ndiri muThesaronika ndichida kuyamuhwa mudonditumira kanodarika kabodzi.17Kusiri kuti ndiri kutsvaga chipo, asi ndinotsvaga zvinodzokubatsirai imipa.18Ndidotambira mubhadharo udozara, ndava nozvidowanda, ndagutsiwa, ndatambira kubva kunaEpafurodhitasi zvipo zvamudotumira, zvidoita kunge hwema hunonushira nomupiro, nochibairo chinotambihwa futi chinofadza Mwari.19Zvino Mwari wangu achazazisa kushaiwa kwenyu kwese kubva papfuma yache mukubhwinya muna Khirisitu Jesu.20Zvino kunaMwari Baba vedu mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.21Ndimoreserei mutsvene umwe noumwe muna Khirisitu Jesu. Hama dzandinadzo dziri kukumoresai.22Vatsvene vese vanokumoresai kunyanya voimba yaKhesari.23Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbadzive nomweya wenyu.
The Word for the World International