VaFiripi3

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Inipano nosemburiwaba nokukunyorerai zvinhu zvibodzibodzi zviye, nokuti zvinokusimbisai.2Chenjererai vanenge imbwa, chenjererai vanoita zvidoipa, chenjererai vaye vanocheka muviri.3Nokuti vadochecheudziwa pachokwadi nhisu, vanonamata noMweya waMwari nhisu vanozvirumbidza muna Khirisitu Jesu, tisingavimbe nonyama.4Kunyange zvazvo inipano pachangu ndinachowo chikonzero chokuvimba nonyama. Kana kuno umwe munhu anofunga kuti anacho chikonzero chokuvimba nonyama inipano ndidosokoka,5ndidochecheudziwa nozuva rochisere, ndiri nzvahwa yorudzi rovaIzirairi, woimba yaBhenjamini, muHebheru wovaHebheru, pamutemo ndiri muFarisi,6pakushingirira kwangu ndidotambudza kherekhe, pakururama pasi pomutemo handinai chandinganenedzehwe.7Asi zvese zvandidowana kare, ndidozviita zvinhu zvomangamanga nokuda kwaKhirisitu.8Pamusoro pozvakarezvo zvinhu zvese zvidova zvomangamanga kwandiri nokuda kwokunaka kudopindiridza kwokuziva Khirisitu Jesu Ishe wangu. Nokuda kwache ndidotaikihwa nozvinhu zvese, uye zvinhu zvese ndidozviita manyara, kuitira kuti ndiwane Khirisitu9kuti ndiwanike ndiri maari ndisinai kururama kwangu ndega, kudobva pamutemo, asi kunouya kuburikidza nokutenda muna Khirisitu, kururama kunobva kunaMwari nonzira yokutenda,10kuti ndimuzive iye nosimba rokumuka kwache, nokusangana naye pakutambudzika kwache, ndifanane naye mukupfa kwache,11kuti ndisvikewo pakumuka kubva kuvadopfa.
12Aikona kuti ndidochiwana kare kana kuti ndatosvika kare, asi ndinoshingirira kuti ndichibate icho Khirisitu Jesu chaadondibatira.13Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi,14saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
15Nokudaro isisu tese takura mbativei nomurangariro udodaro, kana imipa munoumwe murangariro udosiyana, Mwari achakuisirai pachenu zvakarezvo.16Asi mbatibatitsitsei pachokwadi izvo zvatawana.
17Hama dzangu, nditeedzerei. Cherechedzai avo vanorarama nomuenzaniso wamudowana kuna isisu.18Nokuti mbazinji, vandidokunyepai kadowanda uye nanasi ndinokunyepai ndichirira, vanorarama vari vavengi vomuchinjikwa waKirisitu.19Magumo yavo kuparadziwa, mwari wavo mimba yavo, vanozvitutumadza pamusoro pozvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvinhu zvomunyika.20Asi isisu unzvahwa hwedu huri kudenga, uye kubva kwariri tidomirira Muponisi, Ishe Jesu Khirisitu,21uyo achasandura miviri yedu idovhuwa kuti ifanane nomuviri wache unobhwinya, nosimba iro raanokona naro iye kuzviisira zvinhu zvese pasi pache.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014