VaKorose1
1Phauro, Nhumwa yaKhirisitu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu.2Kuvatsvene nohama dzidotendeka muna Khirisitu vari paKorose.
Mutsa norunyararo zvinobva kunaMwari Baba vedu mbazvive kwamuri.3Tinotenda Mwari nguwa dzese, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, patinokunamatirai,4nokuti tidonzva zvokutenda kwenyu muna Khirisitu Jesu uye norudo ramunaro kuvatsvene vese,5nokuda kwotariro yamudochengetehwa kudenga. Iyo yamudonzva kare mushoko rochokwadi, rovhangeri,6ridouya kwamuri. Fanike zvaridoitawo munyika yese. Kubva pazuva ramudonzva nokunzvitsitsa mutsa waMwari muchokwadi, vhangeri riri kubereka zvibereko richipararira pakati penyu.7Sezvamudodzidza kubva kuna Epafurasi muranda anodikana pabodzi naisisu. Iye mushumiri adotendeka waKhirisitu adotimiririra8uye iye adotiudza zvorudo renyu muMweya.9Saka naisisuwo kubva pazuva ratidonzva nozvenyu, hatinai kumira kukunamatirai, tichikumbira kuti muzaziwe nokuziva maninge kuda kwache pakuchenjera kwese kwopamweya nokunzvitsitsa,10kuti murarame sezvinodiwa naIshe, muchimufadza panozvese, muchibereka zvibereko mubasa rese ridonaka nokuingidzika mukuziva Mwari.11Simbisiwai nosimba rese, maererano nosimba rokubhwinya kwache, nokuda kwokutsungirira kwese nomwoyo murefu, mova nomufaro,12muchipasa kutenda kuna Baba, adokuitai kuti muve vadokodzera kukovehwa nhaka yovatsvene muchiedza choumambo.13Iye adotisunungura kubva pamasimba yorima ndokutiisa muumambo hwoMwanakomana wache waanoda.14maari tinorudzikinuro, iko kurekerehwa zvitema.15Khirisitu ndiye mufananidzo waMwari asingaoneke, ndiye dangwe rozvisikwa zvese,16nokuti maari zvinhu zvese zvidosikiwa, zviri kudenga nozviri panyika, zvinooneka nozvisingaoneke, zvingave mipando youshe kana ushe kana vatongi kana vanomasimba. Zvinhu zvese zvidosikiwa kuburikidza naye uye zvidosikihwa iye.17Ndiye anothangira zvinhu zvese, uye maari zvinhu zvese zvidobatana pabodzi.18Iye ndiye musoro womuviri, ndiyo kherekhe; ndiye wokuthanga, dangwe kubva kuvadopfa, kuti muzvinhu zvese iye ave mukuru.19Nokuti Mwari adofara nazvo kuti kuzara kwache kwese kugare maari,20uye kuti naye ayananise zvinhu zvese kwaari, zvingave zviri panyika kana zviri kudenga, achiita runyararo nogazi rache ridodeuhwa pamuchinjikwa.21Naimimiwo, kare manga muri varendo novapanduki mupfungwa dzenyu, nondava yomabasa yenyu yadoipa,22asi manje adokuyananisai mumuviri wache wonyama nokupfa kwache, kuti akuisei pamberi pache muri vatsvene musinai mhosva kana chamunganenedzehwe,23ndokunge marambira pakutenda, mudogadzikana nokumira mudosimba, musingabiritsiwe patariro yovhangeri ramudonzva, ridoparidzihwa zvisikwa zvese pasi podenga, iro randidoitiwa mushumiri warene inipano, Phauro.24Zvino ndinofara mukutambudzika kwangu nokuda kwenyu, uye mumuviri wangu ndinozazisa zvidosara pamatambudziko yaKhirisitu nokuda kwomuviri wache, ndiyo kherekhe,25inova yandidoitiwa mushumiri wayene maererano nobasa raMwari randidopasiwa nokuda kwenyu, kuti shoko raMwari rizikane zvidozara.26ndicho chidosvisvika changa chidosvisviwa kubva pakuthanga kwonguwa nokwomarudzi asi zvino chidoratidziwa kuvatsvene vache.27Kunovakarevo Mwari adosarudza kuzivisa kukura kwoupfumi hwokubhwinya kwochidosvisvika chakarechi pakati povasiri vaJudha, chokuti Khirisitu mukati menyu, ndiye tariro yokubhwinya.28Iye ndiye watinoparidza, tichichenjedza munhu wese nokudzidzisa munhu umwe noumwe nouchenjeri hwese, kuti tiise munhu umwe noumwe muna Khirisitu ari mukuru zvidozara.29Nokuda kwozvakarezvi ndinotambudzika, nokushingirira nosimba rese raanondisimbisa naro mukati mangu.

The Word for the World International