VaFiripi2
1Saka kana muna Khirisitu munokukurudzira, nokunyaradza kworudo, kana kubatirana paMweya, kana munounyoro nokunzvirana tsitsi,2zazisai mufaro wangu nokuva nopfungwa ibodzi, muve norudo rubodzi nomweya mubodzi uye nokufunga kubodzi.3Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya.4Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache.5Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,6iye kunyange wanga adofanana naMwari,haanai kuti kuenzana naMwari chinhu chinofanira kubatitsitsiwa,7asi adosiya zvaanga ari achitora unhu hwomuranda,adozvariwa ari muchimiro chovanhu.8Uye adoti wawanika muchimiro chomunhu adozvidukupisa ndokutetekera kusvikira paipfa,iyo ipfa yopamuchinjikwa.9Nokudaro Mwari adomukwiridzira pamusorosorondokumupasa zita riri pamusoro pomazita yese,10kuti muzita raJesumabvi yese yapfugame,yovari kudenga novari panyika noyovari pasi ponyika,11uye ndimi dzese dzipfakaze kuti Jesu Khirisitu ndiye Ishe,kuti Mwari Baba varumbidziwe.12Naizvozvo, hama sezvamudotetekera nguwa dzese aikona pandanga ndiripo chete, asi kunyanya iyezvino pandisipo, pedzisai basa rokuponesewa kwenyu nokucha nokutetemera,13nokuti Mwari ari kushanda mukati menyu ndiye anoita zvese kuti mufarire nokuita chido chache chidonaka.14Itai zvinhu zvese musinganyunyute kana kuita nharo,15kuti muve vanhu vasinai chavanonenedzehwa novadochena, vana vaMwari vasinai murandu pakati porudzi ridopombonyoka, ridotaika ramuri pakati parene muchivhenekera kunge nyenyedzi mudenga,16mudobatitsitsa shoko roupenyu, kuitira kuti pazuva raKhirisitu ndidade ndizive kuti handinai kumhanyira pasina kana kushandira mahara.17Kunyange ndikatoduruhwa kunge chibairo pamusoro pokuzvipira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufaritsa naimipa mese.18Zvibodzibodzi naimipa munofanira kufarawo pabodzi nainini.19Ndinotarisiro muna Ishe Jesu kuti ndichatuma Timoti nokamangu kwamuri, kuitira kuti ndifadziwe nokunzva hwenye pamusoro penyu.20Nokuti handinai umwe adofanana naye, iye achava nohanya chaizvo pamusoro penyu.21Ndava vamwe vese vanozvitsvagira zvavo pachavo, zvisiri zvaJesu Khirisitu.22Asi Timoti munoziva kutendeka kwache, kuti fanike baba nomwanakomana wavo, adoshanda pabodzi nainipano muvhangeri.23naizvozvo ndinotarisiro yokumutuma kwamuri mumasure mokunge ndaziva kuti zvinhu zvichandifambira tini.24Uye ndinotenda muna Ishe kuti inini pachangu ndichauyawo pasinai nonhangwe yese.25Manje ndidozviona zvidokodzera kuti nditume Epafurodhitasi kwamuri hama yangu nomubatsiri wangu pabasa uye muhwi pabodzi nainipano, ari mutumwa wenyu nomushumiri wangu pano zvandinosaya.26Nokuti wanga achikusuvitsai mese, uye adoshungurudzika chaizvo nondava yokuti mudonzva kuti wanga achihwara.27Ichokwadi chaicho wanga achihwara, zvokutoda kupfa. Asi Mwari adomunzvira tsitsi, asiri iye chete asi nainipanowo kuti ndireke kuingidzihwa kusuwa pamusoro pokusuwa.28Nokudaro ndinoda maninge kumutuma iye kwamuri, kuti mufare pamunomuona pakare uye kuti nainipanowo ndireke kunetseka.29Saka mutambirei nomufaro wese muna Ishe; uye muremekedze vanhu vadodai,30nokuti adopotsa wapfira basa raKhirisitu, adoisa upenyu hwache panjodzi achikuitirai basa ramudotadza kundiitira.
The Word for the World International