VaFiripi1
1Phauro naTimoti, varanda vaKhirisitu Jesu, kuvatsvene vese vomuna Khirisitu Jesu
vari kuFiripi, pabodzi noVatariri noVabatsiri.2Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.3Ndinotenda Mwari wangu pese pandinokufungai,4paminamato yangu yese yandinokunamatirai mese ndinonamata nguwa dzese nomufaro,5nokuda kwokubatirana kwenyu nesu muVhangeri kubva pazuva rokuthanga kusvikira ipopano.6Futi ndinochokwadi chokuti iye adothanga basa ridonaka mamuri acharipedzisa pazuva raKhirisitu Jesu.7Zvidokohoroka kwandiri kuti ndinzve zvidodai nokuda kwenyu mese, ndava ndinemi mumwoyo mangu, nokuti mese muri vakoverani vomutsa nainini, pese pandanga ndiri muusungwa ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri.8Nokuti Mwari ndiye pfakazi yangu, kuti mese ndinokusuvai maninge norudo raKhirisitu Jesu.9Futi ndiwo munamato wangu kuti rudo renyu rirambe richiwanditsa, pabodzi nokuziva nokunzvitsitsa,10kuti mukwanise kuziva kusarudza zvidonakitsa mudochena, musinai chamunganenedzehwe kusvika pazuva raKhirisitu,11mudozaziwa nomichero yokururama inouya kuburikidza naJesu Khirisitu, kuti zvipase mbiri nokurumbidziwa kwaMwari.12Hama, ndinoda kuti muzive kuti, zvidoitika kwandiri zvidotobatsira kuendesa vhangeri pamberi.13Zvokutoti zvidodzozikana mumuzinda wese wovarindi nokunovese kuti kusungiwa kwangu kudoitiwa nokuda kwaKhirisitu,14nondava yokusungiwa kwangu hama dzizinji muna Ishe dzidoita zvivindi zvokunyaira shoko raMwari noushingi dzisingache.15Vamwe vanotoparidza Khirisitu nochanje uye nomungu, asi vamwe nochido kwacho.16Avo vanozviita murudo, vanoziva kuti ndidoisiwa pano nondava yokudziirira vhangeri,17vomungu vanoparidza Khirisitu zvichibva pakuzvisarudzira, aikona pamwoyo udonaka vachifunga kuti vachanyanya kukonzera matambudziko pakusungiwa kwangu.18Hazvinai basa, inini ndinofara kuti Khirisitu anondoparidziwa nonzira dzidosiyana siyana zvingave zvomwoyo muchena kana zvochanje ndicharamba ndichifara,19nokuti ndinoziva kuti kuburikidza nominamato yenyu uye nokubatsira kunobva kuMweya waJesu Khirisitu ndichaponesewa.20Ndinokugurupira kudonyanya notariro kuti ndinonyadzisiwaba nochinhu chipi zvachene asi mukunyaira kwangu ndichava noushingi hudozara, kuti zvino sepanguwa dzese Khirisitu achakudziwa mumuviri mangu zvisinei kuti ndinorarama kana kuti ndinopfa.21Nokuti kwandiri inipano kurarama ndiKhirisitu, uye kupfa kupfuma.22Manje kana kuri kurarama mumuviri, zvichandipasa zvibereko zvokushanda kwangu, ndichazivaba popa chandichasarura.23Zvino ndinomanikidziwa pakati pozvinhu zviiri. Ndinoditsitsa kusiya upenyu huno kuti ndive naKhirisitu, chinova chinhu chidonakitsa,24asi nokuda kwenyu imipa zvidokosha chaizvo kuti ndirambe ndiri mumuviri uno,25Zvino ndinochokwadi, uye ndinoziva kuti ndichagara naimipa mese kuti mupfuurire pamberi muchifara pakutenda,26kuitira kuti kuva kwangu nemi munova nochikonzero chidoingidzika chokuzvirumbidza kwenyu muna Khirisitu Jesu, nokuda kwangu.27Asi raramai basi zvinoenderana novhangeri raKhirisitu, kuti kunyange ndikauya kudzokuonai kana kuti ndisipo, ndinzve pamusoro penyu kuti mudomira nosimba mumweya mubodzi, uye nomupfungwa ibodzi muchihwira kutenda kwovhangeri,28musingavhundutsiwe kana nochinhu chibodzi chovanohwisana nemi, zvakarezvi ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadziwa kwavari, asi kwamuri chokuponesewa kunobva kunaMwari.29Nokuti mudotendehwa nokuda kwaKhirisitu kuti imipa mureke kundotenda basi kwaari asi kuti mutambudzikewo nokuda kwache,30hwisanaiwo nokuhwa kwakareku kwamudoona kwandiri kwamunonzva kuti ndichiri kuhwa nanasi.

The Word for the World International