VaHebheru6
1Naizvozvo mbatisiyei dzidziso yozvokuthanga kwaKhirisitu, tipfuurire pamberi nokukura, tisingaise kamu nheyo yokupinduka pamabasa yadopfa noyokutenda kunaMwari,2nodzidziso yotsika yokushambidzana, yokubatiwa pamusoro, kumuka kwovadopfa, uye nokutongewa kusingapere.3Zvakarezvi tichazviita kana Mwari achitendera.4Nokuti zvinokonekaba kudzotsera pakamu vadovhenekehwa kare, vadoravidza chipo chokudenga uye vadogovehwawo Mweya Mutsvene,5uye vadoravidza kunaka kwoshoko raMwari nomasimba yonguwa inouya,6kana vakadzotsauka zvinokonekaba kuvasandura pakamu kuti vapinduke nokuti vanoroverera pakare Mwanakomana waMwari nokumunyadzisa pachenu.7Nokuti nyika inomwa mvura inombondona pairi, inounzira miriwo inobatsira vaye vanorimihwa inoropafadziwa naMwari.8Asi kana ikabereka minzva nochaguduma, inobatsiraba chinhu iri papfupi nokushurikidziwa mugumo wayene nghupisiwa.9Asi imipa hama kunyange tichinyaira zvidodaizvi, tinoziva chaizvo pamusoro penyu zvinhu zvidonakitsa zvinoisa kuruponeso.10Nokuti Mwari haasi uye asinai kururama kuti angakangamwe basa renyu norudo ramudoratidza mukushumira vatsvene nokuda kwache nanasi muchiri kuvashumira.11Uye tinoda kuti umwe noumwe wenyu asimbirire kunangidza kushingaira kubodzibodziko kusvika kumagumo kuitira kuti zvamunotarisira mugone kuva nazvo zvidokwana.12Kuitira kuti mureke kuva nonungo, asi kuti muve vateveri voavo vadogara nhaka yozvivimbiso nonzira yokutenda nokutsungirira.13Nokuti Mwari paadoita chivimbiso kunaAbhurahamu, nondava yokuti panga pasinai umwe mukuru waaidzopika naye, adopika naiye pachake,14achiti, “Chokwadi ndichakukomborera uye ndichakuwanza.”15Nokudaro mumasure mokutsungirira, Abhurahamu adowana chivimbiso.16Chokwadi nyhokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye nharo dzavo dzese dzinopedzewa nomhiko.17Nokudaro Mwari adoti achida chaizvo kunangidza kuvaji vonhaka yochivimbiso kuti chinangwa chache chinosandukaba adochisimbisa nomhiko,18kuitira kuti kuburikidza nozvinhu zviiri zvisingasanduke, nokuti hazvigoneke kuti Mwari abhwodoke, kuti isisu tidotizira kutariro idoisiwa pamberi pedu kuti tiibate tive nokurudziro idosimba.19Tinayo tariro yakarei idotsigihwa nochitsigiso chisingagwetedzeke chomweya, inopinda mukati munzvimbo itsvene, kuseri kwobiza rinovharidzira zviri kumberi,20ndiko Jesu kwaadotithangira kupinda ari mumiririri wedu, adova muphirisita mukuru panovese nokusingapere anoupirisita hudofanana nohwaMerikizedheki.
The Word for the World International