VaHebheru5
1Nokuti muphirisita mukuru wese anosarudziwa kubva kuvanhu anogadziwa kuti amiririre vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti apereke zvipo nozvibairo pamusoro pozvitema.2Iye anogona kubata zvidopfava vasingazive novanotaika, sezvo iye pachake adovhuwawo.3Nondava yozvakarezvi iye anofanira kuzvibaira chibairo pamusoro pozvitema zvache, sezvaanobaira zvovanhu.4Futi hapanai munhu angazvitorere kuremekedzewa ikoku, asi anotodaidziwa naMwari, sezvidoitiwa Aroni.5Saizvozvowo Khirisitu haanai kuzvitutumadza pachake pakuitiwa muphirisita mukuru, asi adogadziwa naiye adoti kwaari,“Ndiwe Mwanakomana wangu,nasi ndakubereka,”6sezvaanonyaira kamu panoimwe nzvimbo achiti,“Ndiwe muphirisita nokusingapere,unoupirisita hunobva panaMerikizedheki.”7Mumazuva yokurarama kwache panyama, Jesu adouya kunaiye wanga achigona kumuhwira paipfa, nominyengetero nozvikumbiro, achirira nokurira kukuru nomisodzi, ipopo adonzviwa nokuda kwokucha kwache Mwari.8Kunyange zvazvene waiva Mwanakomana, adodzidza kuteerera kuburikidza nozvaadotambudzika nazvo,9uye adoti wakwanisiwa adodzova muvambi wokuponesewa kusingapere kuno vese vanomutetekera,10adonzi naMwari muphirisita mukuru anoupirisita hunobva panaMerikizedheki.11Pamusoro pozvakarezvi tinozvidowanda zvokunyaira zvidooma kutsanangura, zvamava maburunzeve pakunzva.12Nokuti kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichinangara nguwa, munoda munhu anokudzidzisai pakare dzidziso dzokuthanga dzoshoko raMwari. Munoda kupasiwa mukaka aikona zvokuja zvikukutu,13nokuti wese anorarama nomukaka haanai useza pashoko rokururama, nokuti achiri mucheche.14Asi zvokuja zvikukutu nzvovakura, vanokuziva kudodzidzisiwa nonzira yokurovedzehwa kuzivitsitsa zvidonaka nozvidoipa.
The Word for the World International