VaHebheru7

1Nokuti iyeyu Merikizedheki, mambo wokuSaremi, muphirisita waMwari Wokumusorosoro, adosangana naAbhurahamu paanga achibva kobaya madzimambo uye adomukomborera,2ipopo Abhurahamu adomupasa chogumi chozvinhu zvese. Pakuthanga zita rache iye, rinodudzihwa kuti, mambo wokururama, uye pakamu mambo woSaremi, ndokuti, mambo worugare.3Haanai baba kana amai kana madziteteguru, haanai kuthanga kwomazuva kana magumo youpenyu, asi adofananidziwa noMwanakomana waMwari anogara ari muphirisita nokusingapere.4Zvino nangarai kukura kwowakareyo. Abhurahamu teteguru wedu adotomupasa chogumi chozvaadopamba.5Uye avo vari vanakomana vaRevhi vanopasiwa basa rouphirisita vanomutemo uri mumurairo wokuti vatore chogumi kubva kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakareva pakamu vari vana vaAbhurahamu.6Asi murume wakareyu wanga asinai nhoroondo yorudzi naRevhi adotambira zvogumi kubva kunaAbhurahamu ndokukomborera iye wanga anozvivimbiso.7Zvino hazvirambike kuti mudiki ndiye anokomborehwa nomukuru.8Pano zvogumi zviri kutambihwa novanhu vanopfa, asi kunorimwe divi zvinotambihwa nouyo anopupurihwa kuti mupenyu.9Umwe angatiwo Revhi pachake adotambira zvogumi, iye adobhadhara zvogumi kuburikidza naAbhurahamu,10nokuti wanga achiri muchiuno chababa vache Abhurahamu paadosangana naMerikizedheki.11Zvino kana kukwana kuchiuyisiwa nonzira youphirisita hwonzvahwa dzaRevhi nokuti pasi pahwene vanhu vadopasiwa murairo, ko umwe muphirisita waidzomukirei anorudzi naMerikizedheki asingaitiwe anorudzi naAroni?12Nokuti kana upirisita huchisanduhwa, nomurairo unofanira kuti usanduriwewo pakamu.13Nokuti uyo anorehwa pamusoro pozvinhu zvakarezvi wanga ari worimwe rudzi, ranga risinai munhu adombobata basa paatari.14Nokuti zviri pachenu kuti Ishe wedu adobva kuna Judha, uye pamusoro porudzi rakareri Mozisi haanai kunyaira zvovapirisita.
15Zvakarezvi zvidonyanya kuva pachenu zvokuvapo kwoumwe muphirisita adofanana naMerikizedheki,16uyo asinai kuitiwa muphirisita nokuda kwomutemo unobva padzinza raadozvahwa panyama asi nosimba roupenyu husingaparadzike.17Nokuti iye anopupurihwa zvichinzi, “Iwepa ndiwe muphirisita nokusingapere, upirisita hwako hunobva panaMerikizedheki.”18Pano rimwe divi, murairo wokare udosendekewa padivi nokuda kwokuvhuwa kwawene.19Nokuti murairo haunai kuita kuti chinhu chive chidokwana, asi kuno rimwewo divi, kuri kuisiwa tariro iri nani kuti tinyedze kuna Mwari kuburikidza nayo.20Futi yanga inomhiko. Nokuti vamwe vadova vaphirisita pasinai mhiko,21asi iyeyu adopupurihwa nomhiko, Mwari paadoti kwaari,“Ishe watopikauye haasandure pfungwa dzache,‘Uri muphirisita nokusingapere.’”
22Zvakarezvi zvidoita kuti Jesu ave chibatiso chochibvumirano chidonakitsa.
23Vaphirisita vokare vanga vari vazinji pauwandu, nokuti vanga vachitadzisiwa noipfa kuramba vari pabasa,24asi nokuti Jesu anorarama nokusingapere, anouphirisita husingapfuruke.25Nokudaro anogona kuponesa nguwa dzese vaye vanonyedza kuna Mwari kuburikidza naiye, nokuti anorarama nguwa dzese kuti avanyengeterere.
26Nokuti zvanga zvidokodzera kuti tive nomuphirisita mukuru adodai, mutsvene, asinai chaanonenedzehwa, asinai padosvipisiwa, adoparadzanisiwa novatadzi, adokwidziwa kumusoro kumatenga.27Hazvinai kuita kunge vamwe vaphirisita vakuru, iye haapire zvipiriso zuva rimwe norimwe saivo, kuthanga nokuda kwozvitema zvache iye pasure wodzopira zvozvitema zvovanhu. Iye adobaira zvitema zvavo kabodzi zvikapera paadozvipa pachake.28Nokuti murairo unogadza vanhu vadovhuwa kuti vave vaphirisita vakuru, asi shoko rokupika ridodzouya pamasure pomurairo, rinogadza Mwanakomana adokwanisiwa nokusingapere.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014