VaGaratiya6
1Hama, kana munhu akabatiwa achitadza, imipa vanorarama mumweya mudzoreredzei mudopfava. Asi chenjerai, kuti naimipawo mureke kuedzewa.2Takuriranai mitoro, ndiyo nzira yamunozazisa nayo mutemo waKhirisitu.3Ndava kana munhu achifunga kuti iye chinhu, ipo pasinai zvaari, anozvinyengedza.4Asi umwe noumwe mbaatarisitse zviito zvache. Kana zvidonaka wava nochokudada nacho iye pachake, pasinai waanozvienzanisa naye.5Ndava munhu wese anofanira kuzvitakurira mutoro wache.6Anodzidzisiwa shoko raMwari mbaakoverane zvinhu zvese zvidonaka nouyo anomudzidzisa.7Rekai kunyengedzewa, Mwari haasekewe, ndava chese chinojariwa nomunhu ndicho chaanokohwa.8Kana ukajara zvinofadza zvido zvounhu hwokare, anokohwa kuora kunobva paunhu hwokare, ukajara zvinofadza Mweya, anokohwa upenyu husingapere hunobva paMweya.9Mbatirekei kuneta pakuita zvidonaka, ndava nguwa yazvene ikakwana tichakohwa peno, kana tisingaore mwoyo.10Saka, pese patinowana mukana, mbatiitei zvidonaka kuvanhu vese, kunyanyitsa kumhuri yovanotenda.11Onai mukuriro womabhii yandiri kukunyorerai nojanja rangu chairo.12Vanhu vaye vokuda dzvene kuvanhu ndivo vanokusukumidzirai kuti muchecheudziwe. Izvozvo vanondozviitira kuti vanzvenge kutambudzihwa muchinjikwa waKhirisitu.13Ndava kana naivo vanoita zvokuchecheudziwa vacho vanochengetaba mutemo, asi vanoda kuti imipa mukachecheudziwa vazvirumbidze pamusoro pomuviri wenyu.14Asi inini ndinondozvirumbidza nokuda kwomuchinjikwa waIshe Jesu Khirisitu basi, kuburikidza naiwo nyika idoroverehwa kwandiri, nainini ndidoroverehwa kunyika.15Ndava kuchecheudziwa kana kusachecheudziwa hapanai zvakunoreva, asi kuva chisikwa chitsva.16Runyararo notsitsi mbazvive pamusoro wese anofamba nomurau wakareyu, munhu adodaroyo ndiye, muIzirairi waMwari.17Kubva zvino mbapareke kuva nomunhu anondiisa mumatambudziko, ndava zvidzvanga zvaJesu zviri pamuiri wangu.18Hama, mutsa waIshe wedu Jesu Khirisitu mbazvive nomweya wenyu. Ameni.
The Word for the World International