VaGaratiya5
1Khirisitu adotisunungurira rugare, saka mirai mudojirichira, mureke kuzviisa kamu pauranda.2Manje inipano Phauro, ndinoti kwamuri kana mukatambira kuchecheudziwa, Khirisitu haachinai chiyamuro kwamuri.3Pakare ndinonyairira munhu wese anotambira kuchecheudziwa kuti anomanikidzihwa kuchengeta mutemo wese.4Iyemi munoda kururamisiwa nomutemo makwachuriwa kubva pana Khirisitu, mambwera kubva pamutsa.5Ndava kuburikidza noMweya tinomirira nokutenda kururama kwatinotariro nako.6Ndava muna Khirisitu Jesu kuchecheudziwa kana kusachecheudziwa, hazvinai nokabonyo kese, asi chinokosha kutenda kunoshanda kuburikidza norudo.7Maitizira zvidonaka! Mbani adokurambidzai kuteerera chokwadi?8Kupenzveredzewa kudodaiku hakunai kubva kuna Mwari adokudaidzai.9Mbiriso ishomashoma inofufumisa mukanyiwa wese.10Ndichinochokwadi muna Ishe kuti hamungatore yamwe maonero. Iye ari kukuvhiringidzai, zvisinei kuti mbani, achawana mutongo wache.11Hama, dai ndichiri kuparidza kuchecheudziwa, zvino ndinotambudzihwei? Dai zviri izvo chigumburo chomuchinjikwa chinenge chabisiwa peno.12Ndinotoda kuti dai vanokunyonganisaivo vasvike pakutozvisunura!13Hama mudodaidzihwa rusununguko. Asi chete rekai kushandisa kusununguka kwenyu semukana wokufadza muviri. Asi kuburikidza norudo ivai vanoshandirana.14Nokuti mutemo wese unozazisiwa noshoko ribodzi rinoti, “Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.”15Asi kana muchirumana nokujana kunge mhuka, natsai kuti mureke kupedzana.16Asi ndinoti, fambai muMweya, kuti mureke kugutsa zvido zvonyama.17Ndava zvido zvonyama zvinopesana nozvido zvoMweya. Ndava zviiri zvakarezvi zvidotsvatsvana, kuti zvimbokutadzisai kuita zvamunoda.18Asi kana muchitungamirihwa noMweya hamusi pasi pomutemo.19Manje zviito zvounhu hwokare zviri pachenu zvinoti, upombwe, utsambwa, ubatabata,20kushopera, uroyi, kutsvatsvana, kudzongonyedza, chanje, ukari, umbimbindoga, kukamurana, zvikwata zvikwata,21kunyangarihwa, kuraradza, undaradzi nomitambo idofumuka, nozvidofanana nozvakarezvi. Ndinokuchenjedzai, sezvandidomboita, kuti vanoita zvidodarozvo vanojaba nhaka youmambo hwaMwari.22Asi chibereko choMweya ndiro rudo, mufaro, runyararo, mwoyo murefu, tsitsi, kunaka, kutendeseka,23kupfava nokuzvibata. Hapanai mutemo unopesana nokuita kudodai.24Futi avo vari vaKhirisitu Jesu vadoroverera unhu hwokare pabodzi nokuchiva kwayene nozvido zvayene.25Kana tichirarama tiri muMweya, mbatitongewewo noMweya.26Mbatirekei kumbozvikudza, kana kumbosorana kana kuitirana usvinu.
The Word for the World International