VaGaratiya4
1Zvandinoreva nzvokuti, muji wonhaka, paanenge achiri mwana, anenge asinai kusiyana nomuranda, kana nepo ari muridzi wozvinhu zvese.2Muji wonhaka ari pasi povareri novatariri kusvikira panguwa idotariwa nababa vache.3Nzvibodzi naisisu, patanga tiri vana, tanga tiri varanda vomweya yopanyika.4Asi nguwa paidodzonatsa kuzara, Mwari adotuma Mwanakomana wache, adozvahwa nomukadzi, nokudzorarama ari pasi pomutemo,5kuti asunungure vaye vanga vari pasi pomutemo, kuti titambire kuitiwa kwedu vanakomana vaMwari.6Sezvo muri vana, Mwari adotuma Mweya woMwanakomana wache mumwoyo yedu, anodaidzira kuti, “Baba, Baba.”7Saka hausisiri muranda asi mwana wache. Sezvo uri mwana wache, uri muji wonhaka yaMwari.8Kare, pamanga musinati maziva Mwari, maiva varanda vozvinhu zvisiri Mwari.9Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti, zvamava kuzikana naMwari, indava yei mavakudzokera kumitemo isingakodzere isinai nokabonyo kese? Munodirei pakamu kuva varanda vayene iyo isingakoshe?10Munochengeta mazuva, nomwedzi, nomwaka, nomakore!11Ndinochira kuti basa randidokuitirai ndidobatira mahara.12Hama, ndinokukumbirai, ivai kunge inini, nokuti inini ndidova kunge imimi. Hapanai chamudonditadzira.13Sekuziva kwamunoita, kwaiva kuhwara kwandaiita kudoita kuti ndikuparidzirei vhangeri pakuthanga.14Kana nepo mamiriro yomuviri wangu wanga uri muedzo kwamuri, hamunai kundiramba kana kundizvidza. Asi mudonditambira kunge ngirozi yaMwari, kunge ndanga ndiri Khirisitu Jesu pachake.15Chii chidoitika pakugutsikana kwamainzva? Ndava ndinokupupurirai kuti, dai maigona kuzviita dai mudototokonora meso yenyu muchindipasa.16Ko zvino ndava muvengi wenyu chere nondava yokukunyepai chokwadi?17Vanhu vakarevo vanonangidza kuva nochido chikuru naimimi, asi havanai chinangwa chidonaka. Chavanondoda kukuparadzanisai nainini, kuti muite shungu navo.18Zvidonaka kuita shungu, ndokunge dziri shungu dzozvidonaka, uye dzichigara dzidodaro, aikona pandinenge ndinemi basi.19Vana vangu vanodikana, ndinokudzimbiwa kwokuzvara kamu kusvikira Khirisitu waumbiwa mamuri.20Ndinosuva kuva pabodzi naimimi izvozvi kuti ndisandure manyairiro yangu. Ndava ndiri kushushikana nokuda kwenyu.21Ndinyepei, imipa munoda kuva pasi pomutemo, munonzvaba zvinorehwa nomutemo nai?22Ndava kudonyohwa kuti Abhurahamu wanga ano vanakomana vairi, umwe womurandakadzi umwe womukadzi adosununguka.23Asi mwanakomana womuranda adozvariwa nonzira yonyama, mwanakomana womukadzi adosununguka adozvariwa zvichibva pachivimbiso.24Manje zvakarezvi husurudzira, vakadzi vairi vakareva zvibvumirano zviiri. Chimwe chinobva pagomo roSinai, ndiye mukadzi anozvara vana vouranda, ndiye Haga.25Zvino Haga anomirira Gomo roSinai riri muArabhiya, rinosuridzira guta roJerusarema razvino, riri pauranda novana varene vese.26Asi Jerusarema riri kumusoro ridosununguka, ndivo amai vedu.27Ndava zvidonyohwa kuti,“Fara iwe ngomwa,Iwepa usinai kudzimbiwa pakuzvara!Ndava vana vaiye adosiiwa mbazinjikukunda vaiye anomurume.”28Zvino imimi, hama, kunge Isaki, muri vana vochivimbiso.29Asi sepanguwa iyoyo mwana adozvahwa nonzira yonyama adotambudza adozvariwa nosimba roMweya, ndizvo zvazviri zvino.30Asi gwaro rinoti chii? Rinoti, “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wache, ndava mwanakomana womurandakadzi angajeba nhaka pabodzi nomwanakomana womukadzi adosununguka.”31Saka, hama dzangu, hatisi vana vomurandakadzi asi vomukadzi adosununguka.
The Word for the World International