VaGaratiya3

1Naimi vaGaratiya madzemwa! Mbani adokurowai? Jesu Khirisitu wamudonangidziwa mumeso yenyu chaimo seadorovehwa pamuchinjikwa!2Ndinyepei, mudotambira Mweya kuburikidza nomabasa yomutemo chere, kana nokutenda zvamudonzva?3Mudodzemwaira zvidodai nai? Mudothanga noMweya, apa maakupedzisa nomiviri?4Anga kutambudzika kweseku mudokuitira mahara chere? Ndokunge yanga yari mahara!5Ko Mwari paanokupasai Mweya wache nokuita minana pakati penyu anozviita nomabasa yomutemo chere, kana nokutenda zvamudonzva?
6Fungai zvaAbhurahamu, “Adotenda Mwari, kwaari zvikaverengewa kuti ndiko kururama kwache.”7Saka munoona kuti vanhu vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.8Uye gwaro, nokuona zviri kumberi kuti Mwari acharuramisa vasiri vaJudha nokutenda, ridogara raparidza vhangeri kuna Abhurahamu, richiti, “Mauri marudzi yese yacharopafadziwa.”9Saka, vanhu vokutenda vanoropafadziwa pabodzi naAbhurahamu wanga ano kutenda.
10Ndava vese vanotsamira pamabasa yomutemo vari pakushurikidziwa, sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, “Adoshurikidziwa wese asingarambe achiita nokutetekera zvese zvidonyohwa mubhuku romutemo.”11Saka zviri pachenu kuti pamberi paMwari, hapanai munhu anoruramisiwa nomutemo. Ndava “Uyo adorurama achararama nokutenda.”12Asi mutemo haunei nokutenda, ndava gwaro rinoti, “Uyo anoita zvese zvinodiwa nomutemo achararamisiwa nazvo.”
13Khirisitu adotisunungura kubva pakushurikidza kwomutemo, nokutora nzvimbo yedu kwaadoita achiva chidoshurikidziwa ndava kudonyohwa kuti, “Wese anoturikiwa pamuti, adoshurikidziwa.”14Khirisitu Jesu adoita zvakarezvi kuti ropafadzo ridovimbisiwa Abhurahamu rigone kuva rovasiri vaJudha, kuti kuburikidza nokutenda isisu tigone kutambira chivimbiso choMweya.
15Hama dzangu, regai ndipereke muenzaniso, sezvo pasinai anokwanisa kutadzisa kana kuingidzira chitsidzo chinenge chidoitiwa nomunhu chichibva chasimbisiwa, naipopa ndomwaigerire kamu.16Zvino Mwari adoita zvivimbiso kuna Abhurahamu nokumwana wache. Gwaro hariti, “Nokuvana,” kureva vadowanda, asi, kumubodzi, “nokumwana wako,” anova Khirisitu.17Zvandirikureva nzvokuti, mutemo, udodzouya mumasure momakore mazana manai yano makore makumi matatu, haungapfudze chibvumirano chagara chidomisiwa naMwari, kuti ushaise simba chivimbiso.18Ndava kana nhaka iri yomutemo, haichava yochivimbiso, manje Mwari adoipasa kuna Abhurahamu kuburikidza nochivimbiso.
19Zvino mutemo udopasiwa nondava yei? Udodzoingidzihwa nondava yozvitadzo, kusvikira mwana wanga adonangiwa nochivimbiso wauya. Mutemo udopasiwa nongirozi kuvanhu vanga vari vamiririri.20Kuti vamiririri zvinoreva vadowanda, manje Mwari mubodzi.
21Anga zvino iwo mutemo unohwisa zvivimbiso zvaMwari nai? Nenene ndizvoba! Ndava kana mutemo udotambihwa waikwanisa kupasa upenyu, kureva kuti pachokwadi kururamisiwa kwaikwanisawo kuuya nomutemo.22Asi gwaro rinoti nyika yese iri pasi posimba rochitadzo, kuti chipo chidovimbisiwa kuburikidza nokutenda muna Jesu Khirisitu chipasiwe vanotenda.
23Asi kutenda kusinati kwauya, tanga tidozaririhwa pasi pomutemo, tiri pausungwa kusvikira kutenda kwaidzouya kwanangidziwa.24Nokudaro mutemo wanga uri muchengetedzi wedu kusvikira pakuuya kwaKhirisitu, kuti tiruramisiwe nokutenda.25Asi zvino nokuti kutenda kudouya, hatisisiri pasi pomuchengeti.
26Nokudaro muna Khirisitu Jesu mese muri vana vaMwari, kuburikidza nokutenda,27nokuti mese pakati penyu vadoombekewa muna Khirisitu mudosimira Khirisitu.28Hapachinai muJudha kana muGiriki, hapachinai muranda kana adosununguka, hapachinai munhurume kana munhukadzi. Ndava mese muri mubodzi muna Khirisitu Jesu.29Zvino kana muri vache Khirisitu, muri budzi raAbhurahamu, vaji vonhaka maererano nochivimbiso.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014