VAEFESO5
1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, fanike vana vanodiwa,2futi tekairai murudo, sekudiwa kwatidoitiwa naKhirisitu ndokuzvipira nondava yedu, kunge chipiriso chohwema hunonushira kuna Mwari.3Asi upombwe noutsambwa hwese kana nhafu mbazvirege kunzvika kuti zviri pakati penyu, mbapandova nozvidokodzera pakati povatsvene.4Mbapareke kuva noutsambwa, nokunyaira kudofumuka kana kwokupusa, zvinova zvisingakodzere, asi panzvimbo yozvakarezvo mbapave nokupereka kutenda.5Ivai nochokwadi chokuti, hapanai mhombwe kana munhu woutsambwa, kana anonhafu (munhu adodaroyo munamati wozvifananidzo), haangave nonhaka muumambo hwaKhirisitu nohwaMwari.6Mbakureke kuva noanokufurirai nomazvi yomangamanga, ndava ukari hwaMwari hunotouya nozvakarezvo, pamusoro povana vasingatetekere.7Saka rekai kuwadzana navo,8Ndava manga muri rima, asi zvino mava chiedza muna Ishe; tekairai kunge vana vochiedza9nokuti muchero wochiedza unowanika munozvese zvidonaka nozvidokohoroka nomuchokwadi.10Edzai kupfunda kuita zvinofadza kunaIshe.11Regai kubatanidzihwa nomabasa yorima yasinai zvibereko, asi pachinzvimbo chozvakarezvo, zviisei pachenu.12Ndava zvinonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita padohwanda,13asi kana chinhu chipi nochipi chaisiwa pachenu nochiedza chinooneka.14Nokuti chese chinooneka chava chiedza saka zvinonyaihwa kuti,“Muenzeri, muka,futi muka kuvadopfa,Khirisitu achakupasa chiedza.”15Chenjererai matekairiro yamunoita, aikona kuita kunge madzemwa asi itai kunge vadochenjera,16muchiita zvese zvinodikana panguwa, ndava mazuva yadoipa.17Saka regai kuva madzemwa, asi nzvitsitsai kuti kuda kwaIshe nghupi.18Futi rekai kukorewa nowaini, ndava ndipo panokutadza kuzvibata; asi zaziwai naMweya,19mutaurirane mumaphisarema nonziyo nozvimbo zvomweya, muchiimba muchiita mumwoyo wenyu wese zvinobuya kuna Ishe,20nguwa dzese pazvinhu zvese pasai kutenda kuna Mwari Baba muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu.21Zvidikipisei umwe kunoumwe nokuti munoremekedza Khirisitu.22Vakadzi, zvidikipisei kuna varume venyu, kunge kuna Ishe.23Ndava murume ndiye musoro womunhikadzi fanike Khirisitu anova musoro wokherekhe, unova muviri wache, futi iye ndiye Muponisi wayene.24Fanike kherekhe iri pasi paKhirisitu, saka vakadzi mbavavewo pasi povarume vavo pano zvese.25Varume, idai vakadzi venyu, fanike Khirisitu adoda kherekhe ndokuzvipereka nondava yayene,26kuti ainatse, aitsvindise nokuishambidza nomvura pashoko,27kuti aipereke kwaari pachake iri kherekhe inobhwinya, isinai kadondorozi kana kuunyana kana chimwewo chinhu chidodaro, kuti ive itsvene isinai chinoshoreka.28Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo.29Nokuti hapanai munhu anovenga muviri wache, asi anouposha nokuuchengeta, fanike zvinoitiwa kherekhe naKhirisitu,30ndava tiri nhengo dzomuviri wake.31“nochikonzero chakarechi munhurume achasiya baba vache namaache wobatanidziwa nomukadzi wache, vairi vakarevo vachava muiri mubodzi.”32Chidohwanzika chakarechi chidodzama zvidonyanya, asi ndiri kureva zvaKhirisitu nokherekhe,33zvidodaro, umwe noumwe mbaade mukadzi wache kunge kuzvida kwaanoita, futi munhikadzi mbaone kuti anoremekedza murume wache.
The Word for the World International