VAEFESO4

1Zvino inipano, ndiri mutorongo nokuda kwaIshe, ndinokukumbiritsai kuti murarame upenyu hunoenderana nokudaidziwa kwamudoitiwa,2muve nokuzvideredza kwese muchizvininipisa, munokutsungirira, nokuitirana mwoyo murefu murudo,3Vavarirai chaizvo kuchengeta kubatana kwoMweya muchisungo chorugare.4Kuno muviri mubodzi noMweya mubodzi, sezvamudodaidziwawo kutariro ibodzi yokudaidziwa kwenyu,5Ishe mubodzi, kutenda kubodzi, ruombeko ribodzi,6Mwari mubodzi naBaba vedu tese, ari pamusoro pozvese kuburikidza nozvese futi muno vese.
7Asi mutsa udopiwa kuno umwe noumwe wedu zvichienderana nochiyero chokupa kwaKhirisitu.8Saka zvinotauhwa kuti,“Paadokwira kumusoroadotungamira vasungwa, futiadopasa zvipo kuvanhu.”
9Kunyaira kuti “Adokwira,” zvinorevei izvozvo asi kuti adoburuka pakare kunzvimbo dzidonoka dzonyika?10Iyeyo adoburuka ndiye adokwira pakare kumusorosoro kwodenga rese, kuti azaze zvinhu zvese.11Zvipo zvache nzvokuti, vamwe vave nhumwa, vamwe vaporofiti, vamwe vaparidzi, vamwe vafundisi vamwewo vadzidzisi,12kuitira kuti vatsvene vave vadokwana vanogona kuita basa rokushumira, vachivakha muviri waKirisitu,13kusvikira tese tava vabodzi pakutenda nopakuziva mwanakomana waMwari, tichiva vakuru pazera, nopachiyero chokuzara kwomumhu waKhirisitu.14Kuti tirege kuramba tiri vacheche, vokumbondogwididzihwa nokusundiwa nomhepo yese yese yodzidziso, nokufurira kwovanhu, nonzeru dzomambere yadoipa.15Asi kuti, titaure chokwadi murudo, tinofanira kukura maari pazvese, iye Khirisitu musoro,16kubva paari muviri wese, unobatanidziwa nokusunganidziwa pabodzi zvichiitiwa nonhengo imwe noimwe kuburikidza nozvainopasa, kana nhengo imwe noimwe ichishanda zvidonaka, zvokonzera kukura kwomuviri nokuzvivakha kwawene murudo.
17Zvino ndinosimbisa zvakarezvi nokupfakaza muna Ishe, kuti muchirekera kuita magariro yadofanana nowoyamwe marudzi, vanogara muudzemwa hwopfungwa dzavo,18vadoputihwa pakunzvitsitsa kwavo, vatohwa paupenyu hwaMwari nondava youdzemwa huri mavari, nondava yokuoma kwavo mwoyo,19vadova vanonyadzisa futi vadozvipira kuzvinhu zvomufumu, vachiita zvese zvoutsambwa nomarudzi yese yonhafu.
20Hamunai kudzidza Khirisitu nonzira idodaro!21kana mudonzva pamusoro pache futi mudodzidza maari, chokwadi sezvachiri muna Jesu.22Sunhurai unhu hwokare hunova hwomararamiro yokare yadoora nondava yokuchiva kunofurira,23moitiwa vatsva mumweya nomupfungwa dzenyu,24mosimira unhu hutsva, hudosikiwa mumufananidzo waMwari mukururama kwochokwadi noutsvene.
25Naizvozvo, munhu wese mbaabiritse mabhwodo, munhu wese mbaataure chokwadi kumabiyake, ndava tese tiri nhengo dzomuviri mubodzi.26Karipai asi regai kuita chitadzo, zuva mbarireke kudoka mudondomwamwa,27futi rekai kupasa nzvimbo kuna jabhurosi.28Mbavha mbaireke kudzoba pakare, asi mbaashandewo, aite basa nokutendeka nomaoko yache, kuti agonewo kupasa vanoda kuyamuhwa.29Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva.30Futi regai kugumbura Mweya Mutsvene waMwari, adoisiwa pamuri kuti ave chisimbiso kusvikira pazuva rokudzikinuhwa.31Kuvirai kurefu naimimi kuchenama kwese, kukaripa nokumwamwa, kupopotana noguhwa, nokurongerana zvinhu zvidoipa kwese.32Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014