2 Timoti3

1Asi unzvitsitse kuti mumazuva yokupedzisira kuchava nonguwa inotambudza.2Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanobatana uyanga, vanoshora Mwari, vasingateerere vabereki, vasingatende, novasiri vatsvene,3vasinai rudo, vasingaregerere, vanofudza vabiyavo, vasingazvidzore, vanochisa, vanovenga zvidonaka,4vatengesi, vasinai hanya, vadooma musoro, vanoda mafaro kukunda kuda Mwari5vanomufananidzo wokunamata asi vachiramba simba racho. Siyana novanhu vadodaro.6Ndava pakati pavo panovamwe vanoverevedza vachipinda mudzimba, vachipenzveredza vanhukadzi vadoremehwa nozvitadzo, futi vanopupurutsiwa vachigwididzihwa nokuchiva kwavo kudosiyana siyana.7Vakadzi vakareva vanombondodzidza asi havasvike pakuziva chokwadi.8Fanike zvidoitiwa naJenesi naJamburesi vadopikisa Mozisi, saizvozvo vadzidzisi vakareva vanopikisawo chokwadi. Vanhu vadoora mupfungwa, vadoramba kutenda.9Asi hapanai kwavachasvika, ndava udzenga hwavo huchabuda pachenu kuno vese, fanike zvidoitika kuno varume vairi vakarevo.
10Zvino iwewe unoziva kudzidzisa kwangu kwese, unhu hwangu, chinangwa changu muupenyu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rangu, kutsungirira kwangu,11kutambudziwa kwangu, kudzimbikana kwangu, zvidondiwira kuAndiyoki, kuIkoniyamu nokuRisitira, kutambudziwa kwandidotsungirira makuri. Asi Ishe vadondihwira kuno zvese.12Zvino vese vanoda kurarama upenyu hwoumwari muna Khirisitu Jesu vachatambudziwa,13asi vanoita zvidoipa novanyengeri vachanyanyitsa kuipa, vachinyengedza nokunyengedzewa ivo.14Asi iwewe enderera pamberi nokuita zvaudodzidza uchibatitsitsa nozvaudotendesewa, uchiziva kuti mbani adokufundisa zvakarezvo,15kuti kubva paucheche hwako udoziva magwaro matsvene, yanogona kukurairira kuruponiso kuburikidza nokutenda kuri muna Khirisitu Jesu.16Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama,17kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014