2 vaKorinde9
1Zvino kana uri mupiro kuvatsvene ndingakunyorereiba pamusoro pozvakarezvo,2Ndava ndinoziva kugadzirira kwenyu, kwandinodada nako kukherekhe dzokuMesodhoniya, ndichivanyepa kuti imimi vokuAkaya manga mudotogadzirira kubva pagore ridopera, uye shungu dzenyu dzokupa dzidomutsa vazinji vavo.3Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kudada kwedu nemi kurege kusaya basa, asi muve vadogadzirira, sezvandidoreva kuti muchaita.4Mbazvireke kudzoti kana ndauya novokuMesodhoniya ndowana musinai kugadzirira, tireke kunyara nokusaya chokureva pamusoro penyu isu tanga tino chivimbo.5Saka ndidoona zvidokodzera kugara ndakumbira hama kuti dzindithangire kuuya kwamuri, kuti pagare pava nourongwa hwochivimbiso chamudoita, kuti chigadzirihwe sechipo, kusiri kupa kwokusukumidziwa asi kupa nochido.6Yeukai kuti: adojara zvishoma anokohwawo zvishoma, noadojara zvizinji anokohwawo zvizinji.7Munhu wese mbaape sezvaadofunga mumwoyo mache, asingazvije mwoyo kana kusukumidziwa, ndava Mwari anoda anopereka nomufaro.8Uye Mwari anogona kukupasai ropafadzo rese ridowanda, kuti pazvinhu zvese nopanguwa dzese muve nozvidokwana zvichiwanziwa pakuita basa rese ridonaka.9Semanyorehwo yazvidoitiwa,“Iye adoparadzira zvipo zvache kuvarombo,kururama kwache kunogara nokusingapere.”10Iye anopasa mujari mbeu nozingwa kuti chive chokuja achakupasai mbeu nokuingidzira goho renyu nondava yokuita kwenyu zvidorurama.11Muchapfumisiwa pazvese kuti mumbogara muchipereka, kuti kuburikidza nomatiri kupereka kwenyu kuvikire Mwari nhendo.12ndava kuitiwa kwoushumiri hwakarehu hworuyamuro kunopereraba pakundozazisa kusaya kwovatsvene asiwo kunopfachukira nonhendo dzizinji kuna Mwari.13Nondava youchapupu hunonangidziwa noushumiri hwakarehu, Mwari acharumbidziwa nokuteerera kwenyu kwopupura vhangeri raKhirisitu, uye nokupa kwenyu zvidowanda kwavari novamwe vese,14pavanenge vachikusuvai nokukunamatirai, nondava yokushamisa kwonyasha dzinoshamisa dzamunadzo muna Mwari.15Mwari mbaatendewe nokuda kwochipo chache chisingatsanangurike!
The Word for the World International