2 vaKorinde10

1Inipano Phauro pachangu, ndinokukumbiritsai, nounyoro nokupfava kwaKhirisitu, wakareni adoreruka kana ndidonangarana naimimi, asi ndidoshinga kwamuri kana ndisipo!2Ndinokukumbirai kuti kana ndavapo ndireke kudzoita ushingi hwandinovimba kuti ndichanangidza vamwe vanotiona setinoita nomutoo wonyika.3Ndava kunyange tichirarama munyika tinohwaba hondo yonyika,4ndava zvombo zvohondo yedu nzvonyikaba asi nzvomasimba youmwari yanoparadza nzvimbo dzomasimba yovavengi nonharo dzomabhwodo,5tinokoromorera pasi mhoka nokuva nomutindi kwese zvinopesana nokuziva Mwari, tichitapa mufungo wese nokuuisa pakuteerera Khirisitu,6tidozvigadzirira kuranga kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwakwaniswa.
7Nangarai zviri pamberi pomaziso yenyu. Kana pano munhu ano chokwadi kuti ngwaKhirisitu, kana naisisuwo.8Ndava kana zvazvene ndichizvirumbidza pashoma pamusoro poukuru hwedu, hwatidopasiwa naIshe kuti tikuvakhei aikona kukukoromorai, ndinonyadzisiwaba.9Ndinodaba kuita kunge ndiri kukuchichidzirai nomatsamba yangu.10Ndava vanoti, “Matsamba yache yano chiremera futi yano simba, asi paunhu hwache adoneta, nokunyaira kwache kudotonhora.11Vanhu vakarevo mbavanzvitsitse kuti zvatinonyaira nomatsamba tisipo, ndozvatinoita tiripo.
12Zvisiri zvokuti tinotsvaga kuzvibatanidza kana kuzvienzanisa novamwe vanozvirumbidza vega. Asi kana vachizvipima pachavo, nokuzvienzanisa pachavo, varikuita zvidopusa.13Asi tinozvirumbidzaba zvidopindiridza, asi tichaganhurira patidotemehwa naMwari, kuti tisvike kwamuri.14Ndava tinopindiridzaba kuzvitambanudza, kunge tisati tasvika kwamuri, ndava nhisu vokuthanga kuuya kwamuri novhangeri raKhirisitu.15Tinozvirumbidzaba zvokupindiridza mugano, pamusoro pobasa ridoitiwa novamwe; asi kugurupira kwedu mhwokuti kutenda kwedu kuingidzike, nzvimbo yedu pakati penyu iingidzike zvidonyanya.16Kuitira kuti tiparidze vhangeri munyika dziri kumberi kwenyu, tisingazvirumbidze nobasa ridoitiwa kare kudzimwe nzvimbo.17“Anozvirumbidza, mbaazvirumbidze muna Ishe.”18Ndava anozvipfakazira ndiyeba anotambihwa, asi anotambihwa nguye anopfakazihwa naIshe,

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014