2 vaKorinde8
1Tinoda kuti muzive, hama, pamusoro ponyasha dzaMwari dzidonangidziwa mukherekhe dzokuMesodhoniya.2Nokuti mukutambudzika kwavo kukuru, vadopfachukira nomufaro uye muurombo hwavo hukuru vadozara nopfuma yokupereka zvidosununguka.3Nokuti nainini ndinovapupurira kuti vadopereka zvinoenderana nokugona kwavo, vachitopindiridza pavaigona pacho,4vadototikumbiritsa kuti tivapase mukana wokuva nochikamu chokushumira vatsvene.5Futi havanai kundoita zvataivatarisira, asi chokuthanga vadozvipereka ivo pachavo kuna Ishe nokwatiri zviri mukuda kwaMwari.6Nokudaro tidokumbiritsa Tito kuti sezvaanga wathanga kare, mbaachipedzisawo basa ronyasha iri pakati penyu.7Asi sezvamunogona pazvinhu zvese pakutenda, pakunyaira, pakuziva pakuzvipira noparudo renyu kwatiri onai kuti mapawo pabasa iri ronyasha.8handitaure izvi semurairo, asi kuti paoneke chokwadi chorudo rokuzvipira kwenyu ruchienzanisiwa norovamwe.9Ndava munoziva mutsa dzaIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti zvache wanga adopfuma, asi nondava yenyu vadova murombo, kuti nourombo hwache muve vadopfuma.10Uye pachinhu ichi zano rangu randinopereka ndokuti: zvidonakitsa kwamuri kuti mupedzise zvamudothanga gore rapera aikona kundoita basi asi kuva nochido chokuita.11Asi zvino pedzisai zvamudothanga kuita, kuti shungu dzenyu dzokuda kuzviita dzienderane nokupedza kwenyu, zvichienderanawo nokukwanisa kwenyu kupereka.12Ndava kana chido chiripo, chipo chinotambirika zvichienderana nozvinhu zvinomunhu, aikona maererano nozvaasinai.13Handireve kuti vamwe vanofanira kurerukihwa imipa muchiremehwa.14Asi kuti kuwana kwenyu kuyamure kusaya kwavo, nokuwana kwavo kuyamure kusaya kwenyu, kuti pave nokuenzana.15Sekunyohwa kwazvidoitiwa, “Uyo adounganidza zvizinji haanai chidosara, noadounganidza zvishoma hapanai chaadosaya.”16Mwari mbaatendewe adoisa mumwoyo waTito wokukuitirai hanya seyandinayo kwamuri.17Ndava Tito haanai kundotambira chikumbiro chedu basi, asi nochido chikuru iye pachake ari kuzvipira kuuya kwamuri.18pabodzi naiye tiri kutumira hama inozikana maninge pakati pokherekhe dzese nondava yokuparidza kwache vhangeri,19aikona zvakarezvo basi, asi adosarudziwa nomakherekhe kuti afambe nesu pakutakura zvipo kwatiri kuitira kukudziwa kwaIshe pachake nokunangidza chido chedu chokubatsira.20Tinoda kuti pasaye anotipasa mhosva pamusoro pomafambisiro yatinoita kupa uku kudosununguka.21ndava tidonanga kuita zvidonaka aikona pameso yaIshe chete asiwo nopameso yovanhu.22Pabodzi naivo tiri kutumira hama yedu watidoedza kazinji tikawana kuti adozvimisira nonzira dzizinji, iye manje watoingidzika pazviri nondava yochivimbo chikuru chaanacho mamuri.23Kana ari Tito, mabiyangu futi mushandibiyangu pakukushumirai, kana dziri hama dzedu, vamiririri vomakherekhe, mbiri mbaive yaKhirisitu.24Nokudaro nangidzai vanhu ava chiratidzo chorudo pamberi pomakherekhe kuti vanhu vaone chikonzero chokudada kwedu nemi.
The Word for the World International