2 vaKorinde7
1Vadikani vangu, sezvo tino zvivimbiso zvakarezvi, mbatizvisukei kubva patsambwa yese inosvipisa muviri nomweya, tiite utsvene hudokwana mukucha Mwari.2Tizururirei mwoyo yenyu, hapanai watidotadzira, hapanai watidoondomora, hapanai watidophonyedza.3Izvi handizvinyairire kukupasai mhosva, ndava ndambonyaira kare kuti muri mumwoyo yedu, tinopfa pabodzi nokurarama pabodzi.4Ndino chivimbo chikuru nemi, ndinodada nemi zvikuru, ndinokurudzihwa chaizvo. Pamatambudziko yedu yese, mufaro wangu udopindiridza.5Ndava kana patidouya kuMesodhoniya, tanga tisinai zororo asi taitambudziwa pesepese - kuhwisiwa kuri kunze, kucha kuri mukati.6Asi Mwari, anonyaradza vadotsikirihwa, adotinyaradza nokuuya kwaTito,7aikona nokuuya kwache kwega asi nokunyaradza kwaadonyaradziwa kwaadowana kwamuri, adotinyepa chisuvo chenyu, kurira kwenyu, noshungu dzenyu pamusoro pangu, zvokuti ndidokungudza kufara.8Kana zvazvene ndidokusuwisai notsamba rangu, handikunguri nazvo (kana zvazvene ndidozvidemba), ndava ndinoona kuti tsamba rakarero ridokusuwisai, zvokanguwa kadiki chete.9Zvino, ndinofara, aikona nochikonzero chokuti mudosuwisiwa, asi nokuti kusuwa kwenyu kudokupasai kupinduka, ndava mudova nokusuwa kwoumwari, zvokuti hamunai chamudosaya nesu.10Ndava kusuwa kwoumwari kunozvara kupinduka kunouyisa ruponiso pasinai kuzvija mwoyo, asi kusuwa kwonyika kunozvara ipfa.11Chionai kuti kusuwa kwakareku kwoumwari kudouyisa chii kwamuri, kudouyisa kushingaira zvidonyanya, futi kuditsa kuti zvese zvijeke pamusoro penyu, kudodzouyisa kukaripa kudonyanya, nokunyanyitsa kuzviisa pachenu, kuva nochisuwo chikuru, kuva nohanya kudonyanya, kuzvigadzirira kuita zvidonakira vese kudonyanya! Mudonangidza kuti pamamiriro yese pano zvakarezvi hamunai mhosva.12Saka kana ndidokunyorerai zvangu, zvidoitihwaba iye nyakutadza, kana nyakutadzihwa, asi kuti shungu dzenyu pamusoro pedu dzinangidziwe pamberi paMwari.13Nokuda kwozvakarezvi tidonyaradziwa.
Pamusoro pokunyaradziwa kwedu tidofara maninge tichiona mufaro waTito, ndava pfungwa yache idodekhadziwa nemi mese.14Ndava kwaari ndaimbodada nemi, uye hamunai kundinyadzisa. Asi semanyairihwo yazvene zvese zvanga zviri zvochokwadi, saka kudada kwedu kuna Tito kudoratidza kuvawo kwochokwadi.15Uye kukudai kwache kwatosokoka paanoyeuka kuti mese manga muchiteerera, muchimutambira nokucha nokutetemera.16Ndinofara kuti ndinokwanisa kuva nochivimbo naimimi pazvese.

The Word for the World International