2 vaKorinde4
1Nokudaro, zvatinoushumiri hwakarehu notsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo.2Tidoramba zvinonyadzisa zvonzira dzokabisira, tinoramba kuita mambere kana kutsautsira shoko raMwari, asi tinoisa chokwadi pachenu, hana yomunhu wese ichitambira kuzvipupurira kwedu pamberi paMwari.3Uye kana vhangeri redu ridosvisvika, ridondosvisvika chete kuna ivo vari kuparara.4Kwavari mwari wonyika ino adopofomadza pfungwa dzovasingatende, kuti vareke kuona chiedza chovhangeri rokubhwinya kwaKhirisitu, anova iye mufananidzo waMwari.5Ndava hatizviparidzi isu pachedu, asi Jesu Khirisitu saIshe, uye isisu sevaranda venyu nokuda kwaJesu.6Ndava Mwari adoti, “Chiedza mbachivhenekere kubva murima,” ndiye adovhenekera mumwoyo medu kuti atipase chiedza chokuziva kubhwinya kwaMwari kuri pachiso chaKhirisitu.7Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yoivhu, kunangidza mukungudziro woukuru hwomasimba kuti yanobva kuna Mwari aikona kwatiri.8Tinotambudziwa nonzira dzese, asi hatinai kuthachuriwa, kushungurudziwa, asi tisingapere tariro,9tinotambudziwa, asi tisinai kusiiwa, tinongwoshehwa pasi asi tisinai kuparadziwa.10Nguwa yese tinotakura mumuviri wedu ipfa yaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu hunangidziwe mumuviri wedu.11Ndava isisu vapenyu tinogara tichiisiwa paipfa nokuda kwaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu huratidziwe mumuviri wedu unopfa.12Nokudaro ipfa inobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.13Sezvo tino mweya mubodzi bodziyo wokutenda sezvidonyohwa mugwaro, “Ndinotenda, ndokusaka ndidotaura,” naisisuwo tinotenda, saka tinotaura,14Nondava yokuti tinoziva kuti iye adomutsa Ishe Jesu kuvadopfa achatimutsawo naJesu achitiisa pamberi pache pabodzi naimimi.15Ndava zvese zvinoitiwa nondava yenyu, kuitira kuti mutsa padzinosvitsiwa kuvanhu vazinji dziingidzire kupereka kutenda kukubhwinya kwaMwari.16Saka hatiori mwoyo. Kana munhu wedu wokunze achiperezeka zvache, munhu wedu womukati anovandudziwa zuva nozuva.17Ndava kutambudzika kwedu kwonguwa ino kudoreruka kuri kutiendesa pakubhwinya kusingapere kuno chiremera chinokunda zvese.18Ndava hatinangare kuzvinhu zvinooneka, ndava zvinooneka nzvonguwa idiki, asi zvisingaoneke nzvarini narini.
The Word for the World International