2 vaKorinde3
1Tiri kuthangisa kamu kuzvipupurira chere? Kana kuti tinoda, sezvinoita vamwe, tsamba dzokupupurira dzinouya kwamuri kana dzinobva kwamuri?2Imipa pachenyu ndimi tsamba yedu idonyohwa mumwoyo medu, inozikana nokuverengewa novanhu vese.3Munonangidza kuti muri tsamba inobva kuna Khirisitu idosvitsiwa nesu, isinai kunyorewa noingi asi noMweya waMwari mupenyu, aikona pamahwendefa yomabhwe asi pamahwendefa yomwoyo yovanhu.4Chakarecho ndicho chivimbo chatinacho kuna Mwari.5Hakusi kuti isisu pachedu tidokodzera kuti tive nochatingaite, asi kukodzera kwedu kunobva kuna Mwari,6iye adotikwanisa kuti tive vashumiri vochibvumirano chitsva, chisiri chomutemo udonyohwa asi choMweya, ndava mutemo udonyohwa unobaya, asi Mweya unopasa upenyu.7Zvino kana ushumiri hudouyisa ipfa, hwomabhii yadotemewa pamabhwe, hudouya nokubhwinya, zvokuti vaIzirairi vadotadzirira kunangara chiso chaMozisi kana nepo kuyetima kwacho kwaidzopera,8ko ushumiri hwoMweya hungaveba nokuyetima kukuru nai?9Ndava kana ushumiri hunouyisa mhosva huchiyetima, ko kuyetima kwoushumiri hunouyisa kururama kudokungudzitsaba?10Ndava icho chaiyetima chatsinzinirafuti nondava yokuyetima kunochikunda.11Ndava kana chaipfuruka chidouya nokuyetima, chisingapfuruke chinofanira kuva nokuyetima kudonyanyitsa.12Sezvo tino tariro idodai, tinokushinga kudosimba.13Hatinai kuita kunge Mozisi, waiisa jira pachiso chache kuti vaIzirairi vareke kuona magumo yokuyetima kwaipera.14Asi pfungwa dzavo dzidogomhara, kusvikira nasi, kana vachiverenga chibvumirano chakare jira ribodzi bodziro harinai kukunduhwa, ndava muna Khirisitu chete ndimo marinobisiwa.15Inde, kusvika nasi pese panoverengewa Mozisi jira ridondofuka pfungwa dzavo,16asi kana munhu watendeukira kuna Ishe jira rinobisiwa.17Zvino Ishe Mweya, uye pano Mweya waIshe pano kusungunuka.18Uye tese, nozviso zvisinai kufugiwa, tinonangidza kubhwinya kunobva kuna Ishe anova Mweya, anotisandura kuti tifanane nomufananidzo wache tobva panokumwe kubhwinya tichipinda pano kumwe, zvichibva kunaIshe anova Mweya.
The Word for the World International