2 vaKorinde5
1Ndava tinoziva kuti kana dumba unova muviri wopanyika watidogara mauri kana waparadziwa, tino chivakwa chinobva kuna Mwari, imba yokusingapere kudenga, isinai kuitiwa nomanja yovanhu.2Parizvino tiri mudumba rino tinotsinda, tichisuva kusimidziwa musha wokudenga,3kuti tikasimidziwa nawo tireke kudzowanika tiri pedzi.4Ndava tichiri mumba rino, tinotsinda nokuremehwa, ndava hatidi kuti tisunhuriwe, asi kuti tisimidziwe nomuviri wokudenga, kuitira kuti chinopfa chimedzewe noupenyu.5Mwari ndiye adotinhadzirira chinhu chakarechi, nokutipasa Mweya sechibatiso.6Saka nguwa dzese tino kurudziro idozara, tichiziva kuti patinenge tichiri mumba imo mumuviri hatisi kuna Ishe,7ndava tinotekaira nokutenda, aikona nokuona.8Tino kurudziro idozara, tinotoda kubirika mumuviri kuti tive kumusha naIshe.9Saka chinotova chinangwa chedu kuti timufadze zvisinei kuti tiri mumba mumuviri kana kuti tabirika makaremo.10Ndava tese tinofanira kuratidziwa pamberi pochigaro chaKhirisitu chokutonga, kuti umwe noumwe atambire zvaadoita achiri mumuviri zvingave zvidonaka kana zvidoipa.11Sezvo, tichiziva kuti kucha Ishe kuita tini, tinoedza kupenzveredza vanhu, asi zvatiri zvinozikana naMwari, futi ndinovimba kuti zvinozikanawo nohana dzenyu.12Hatisi kuzvipupurira kamu kwamuri asi tiri kukupasai mukana wokuti mudade nesu, kuti mugone kupindura avo vanodada nozvinooneka vasingadade nozvavari mumwoyo.13Ndava kana tichipenga, nzvaMwari, kana tisingapenge, nzvenyu.14Ndava rudo raKhirisitu rinotisukumidza, ndava tinotendesewa kuti mubodzi adopfira vese, saka vese vadopfa.15Uye adopfira vese, kuti vanorarama vareke kudzozviraramira asi vararamire iye adopfa nokuda kwavo achibva wamutsiwa kamu.16Kubva zvino, nokudaro hatichaona munhu nomaonero yonyika, kana zvedu taimboona Khirisitu nomaonero yonyika, hatichamuona daro.17Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya.18Zvese izvi zvinobva kuna Mwari, uyo adotiyananisa kwaari kuburikidza naKhirisitu achibva watipasa ushumiri hwokuyananisa,19ndiko kuti, muna Khirisitu Mwari wanga achiyananisa nyika naiye, asingaverengere vanhu kutadza kwavo. Achibva watituma noshoko rokuyananisa.20Saka tiri vamiririri vaKhirisitu, Mwari searikupereka chikumbiro chache kuburikidza naisisu. Tinokukumbirai nokuda kwaKhirisitu, kuti yananisiwai naMwari.21Mwari adoita kuti uyo wanga asinai chitadzo ave chitadzo nondava yedu, kuti maari tive kururama kwaMwari.
The Word for the World International