2 vaKorinde2
1Ndava ndidoita pfungwa yokuti ndireke kuita kumwe kukubvakachirai kunokusuwisai.2Ndava kana ndikakusuwisai, mbani achandipasa mufaro, kunze kwowakareyo wandasuwisa?3Uye ndidonyora daipo, kuitira kuti kana ndauya ndireke kusuwisiwa naivo vanofanira kundifadza, ndava ndinochokwadi nemi mese, kuti mufaro wangu uchava mufaro wenyu mese.4Ndava ndidokunyorerai ndiri pakutambudzika kukuru nokunetseka kwomwoyo nomisodzi mizinji, zvisiri zvokukudzimbai asi kuti muzive kukura kworudo randinaro kwamuri.5Asi kana pano adokonzera mahwadzo, adodzimbaba inini pasinai kuingidzira asi kutoti adodzimba imimi mese.6Kumunhu adodaiyu kuranga ikoku kworuzinji kudokwana,7saka munotofanira kuchimuregerera momunyaradza, kuti areke kusuwa zvokutoora mwoyo.8Nokudaro ndinokumbira kuti musimbise kamu rudo renyu kwaari.9Ndava chakarechi ndochikonzero chandidonyorera, kuti ndikuedzei ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvese.10Wese wamunoregerera, neniwo ndinomuregerera. Zvandidoregerera, kana pano chaida kuregerehwa, ndidoregerera pamberi paKhirisitu nondava yenyu,11kuti Sathani areke kuva nochaanowana patiri, ndava tinoziva mambere yache.12Pandidouya kuTiroasi koparidza vhangeri raKhirisitu, ndichiwana Ishe vadondizururira musuwo,13handinai kudekharika mupfungwa ndava kwakareko handinai kuwana hama yangu Tito. Saka ndidovagoneka ndichienda kuMesodhoniya.14Asi Mwari mbaatendewe, iye anogara achititungamira mukukunda muna Khirisitu, uye kuburikidza naisisu anoparadzira kwese kwese hwema hwokumuziva.15Ndava kuna Mwari tiri hwema hudonaka hwaKhirisitu kuna ivo vari kuponesewa nokuno avo vari kuparara,16kuno umwe tiri hwema hwoipfa, kuno umwe tiri hwema hwoupenyu. Mbani anokwanisa basa ridodai?17Ndava tidosiyana novazinji, vanopfuma noshoko raMwari, asi nokuti Mwari adotituma tinotaura zvidoperera pamberi pache sevaranda vaKhirisitu.
The Word for the World International