2 vaKorinde13
1Iyi ndiyo nguwa yochitatu yandiri kuuya kwamuri. Nyaya yese inofanira kusimbisiwa nozvapupu zviiri kana zvitatu.2Ndidoyambira avo vadotadza kare novamwe vese, uye ndinovayambira izvozvino ndisipo dai, kunge zvandidoita ndichiripo pahwendo hwangu hwochipiri, kuti ndikadzouya kamu handisi kuvavharidzira,3sezvo murikuda umboo hwokuti Khirisitu ari kutaura mandiri. Adovhuwaba pakubata nemi, asi ano simba mamuri.4Ndava nokuvhuwa adorovehwa pamuchinjikwa, asi mupenyu kuburikidza nosimba raMwari. Ndava tidovhuwa maari, asi pakubata nemi tichararama naye nosimba raMwari.5Zvipasei bvunzo mega, kuti muone kana mudobatirira pakutenda kwenyu. Zviedzei mega. Munonzvitsitsaba kuti Jesu Khirisitu ari mamuri? Kunze kwokunge mudotadzirira bvunzo!6Ndinogurupira kuti muchaona kuti hatinai kukundikana.7Asi tinonamata Mwari kuti mureke kuita zvidoipa aikona kuti tioneke kunge tidogona asi kuti muite zvidonaka, kana nepo tichiita kunge tidokundikana.8Ndava hapanai chatingaite chinopesana nochokwadi, asi chinotsigira chokwadi basi.9Ndava tinofara kana tidovhuwa imi mudosimba. Chatinonamatira ndochokuti mukwanisiwe.10Ndinonyora izvi ndisipo kwamuri, kuitira kuti pandinouya ndirege kuita zvoukari pakushandisa simba rangu randidopasiwa naIshe kuvaka aikona kukoromora.11Pakupedzisira, hama, ndinoti chisarai. Kohororai nzira dzenyu, inzvai chikumbiro changu, bvumiranai, garisanai murunyararo, Mwari worudo norunyararo mbaave nemi.12Moresanai nokutsvodana kutsvene.13Vatsvene vese vari kukumoresai.14Mutsa dzaIshe Jesu Khirisitu norudo raMwari nokuwadzana kwoMweya Mutsvene mbazvive nemi mese.
The Word for the World International