2 vaKorinde12

1Ndinofanira kuzvirumbidza, kana pasinai chazvinowanisa, ndichaenda mberi nokubata zviratidzo nozvidozaruhwa zvaIshe.2Ndinoziva munhu muna Khirisitu uyo makore gumi nomanai adobvutiwa achikwidziwa kudenga rochitatu - kuti wanga ari mumuviri kana kunze kwomuviri ndinozivaba, Mwari anoziva.3Ndinoziva kuti munhu wakareyu - zvokuti wanga ari mumuviri kana kunze kwomuviri ndinozivaba, Mwari anoziva -4iyeyu adobvutiwa achiendesewa muPharadhaisi ndokunzva zvinhu zvisinganyairike, zvisinai kubvumihwa kuti munhu azvinyaire -5Pamusoro pomunhu wakareyu ndinozvirumbidza, asi inini pachangu ndinozvirumbidzaba, kunze kwokuvhuwa kwangu.6Kana ndikada kuzvirumbidza, ndingaveba dzemwa, ndava ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndichasiyana nazvo, kuti pareke kuva noanofunga zvidopindiridza pamusoro pangu kukunda zvaanoona kana kunzva kubva kwandiri.
7Kuti kuwanda kwozvidozaruhwa kureke kundisasura ndichizvikudza, ndidopasiwa munzva mumuiri wangu, nhume yaSathani, kuti indipfuwise, ndireke kusasuka.8Katatu kese ndidokumbira Ishe pamusoro pozvakarezvi, kuti zvibirike kwandiri,9asi adoti kwandiri, “Mutsa dzangu dzidokukwanira, ndava mukuvhuwamo masimba yangu ndimo mayanokwanisiwa.” Ndichatoingidzira kuzvirumbidza nokuvhuwa kwangu, kuti simba raKhirisitu rigare mandiri.10Nondava yaKhirisitu, ndinofarira kuvhuwako ndipo, kubatiwa uyanga, nhamu, kutambudziwa, nonyatwa, ndava pandinenge ndidovhuwa, ndipo pandinenge ndidosimba.
11Ndiri kuita kunge dzemwa asi ndimi mudondimanikidza kudaro! Ndaifanira kupupurihwa naimimi. Ndava handisi mudiki kunhumwa vakuru, kana zvangu ndisiri chinhu.12Zviratidzo zvokuva nhumwa dzochokwadi zvidoitiwa pakati penyu nomwoyo murefu udonyanyitsa, pazviratidzo nozvishamiso nominana.13Ndava chii chidoitihwa dzimwe kherekhe chamusinai kuitihwa, kunze kwokuti inini pachangu handinai kukuremedzai? Ndiregererei uyanga hwakarehwo!
14Zvino ndidogadzirira kuuya kwamuri kochitatu, ndisiri mutoro kwamuri, ndava ndinodaba zvinhu zvenyu, asi ndinoda imimi. Pamusoro pozvese mbanaba vanofanira kuchengeta vabereki vavo, asi kuti vabereki ndivo vanochengeta vana.15Saka ndichafarira kuparadza zvandinazvo kana kutopedzewa inini wacho nokuda kwomweya yenyu. Manje kana ndichikuditsai, inini ndini ndodiwa pashoma nai?16Asi sezvazviri kuti handinai kukuremedzai, munoti ndanga ndidochenjera, zvokuti ndidokubatai nomambere.17Ndinganzi ndidokubatai nomambere chere ndichikubiridzirai kuburikidza novandidotuma kwamuri!18Ndidokumbira Tito kuuya kwamuri uye ndidomutuma pabodzi nohama. Ko Tito adokuitai dzawira mutsvanda chere? Hatinai nai kuita nomweya mubodzi bodziyo? Hatinai kutora matanho mabodzi bodziyo?
19Pesepa manga muchifunga chere kuti tanga tichizvidairira kwamuri? Panga pari pamberi paMwari pataitaura tiri muna Khirisitu, kuitira kukuvakhai, vadikani.20Ndava ndinocha kuti kabanga ndingauye ndikakuwanai musiri zvandinoda, nemiwo muchindiwana ndisiri zvamunoda, pachidzova nobopoto, chanje, ukari, makundano, kunyombana, makuhwa, kunyegera, nokupandukirana.21Ndinocha kuti pandinouya kamu Mwari wangu angandinyadzise pamberi penyu, ndichidzorira vazinji vadotadza kare vachireka kupinduka patsambwa, paupombwe nokumbondoita utsambwa hwopabonde.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014